Accessibility links

Mhirizhonga yeZvematongerwo eNyika Yokanganisa Kisimusi kuMarondera West

  • Jonga Kandemiiri

Vechidiki ndivo vanonyanyopomerwa mhosva yekuita zvemhirizhonga

Vechidi vatatu vebato reMDC-T kuWard 10 kuMarondera West vanoti vakarwiswa vakakuvadzwa zvakaipa musi wezororo reKisimusi mushure mekurwiswa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

Mumwe wevechidiki ava, VaShadreck Nyamanhindi, vanoti vakarwiswa mushure mekunge vanetsana nevamwe vechidiki veZanu PFzvichitevera kuvigwa kwehanzvadzi yavo kuWard 10 kumusha kwavo.

VaNyamanhindi vanoti vatsigiri veZanu PF ava vakanga vasingade kuti hanzvadzi yavo, iyo yaitsigira MDC-T, uye yakashaikira kuChitungwiza, ivigwe mudunhu umu.

Vanoti mushure mekurwiswa, vakaedza kumhan'ara nyaya yavo pamapurisa epakamba yeMahusekwa, asi vakanzi vatange varapwa vozobatsirwa nemapurisa.

Vanyamanhindi vanoti vakatozonorapwa kuAvenues Clinic muHarare mushure mekubatsirwawo nemumwe mukuru webato ravo kwakare kuMarondera West.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi, sezvo nharembozha yemumwe wechidiki anonzi akanga aripo pakarwiswa vakomana ava yanga isingadairwi.

Taedzawo kunzwa divi remapurisa epaMahusekwa panonzi pakaedzwa kumhan’arwa nyaya iyi, asi mupurisa adaira nharembozha ati titaure nevangonzi Sajeni Chagonda, avo ati vanga vabuda muhofisi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG