Accessibility links

Breaking News

Zororo reUnity Day Rinopfuura seMamwe Mazuva Pasina Zvakawanda Zvaitwa Munyika


MUGABE NKOMO 1978

Kunyange hazvo nyika yacherechedza chibvumirano chekubatana chakanyoreranwa pakati peZanu PF nePF Zapu musi wa22 Zvita mugore ra1987, veruzhinji vacherechedza zororo iri nenzira dzakasiyana-siyana.

Vamwe vevanoita mabasa emaoko vaenderera mberi nemabasa avo zvisinei nezororo iri.

VaTaurai Zvirimumwoyo vati nyaya yekutsvaka chauviri ndiyo yapa kuti vaite kubasa ravo semazuva ose.

Kunyange hazvo vauya kubasa, VaZvirimumwoyo vati zuva reUnity Day vanorikoshesa zvikuru sezvo richivayeuchidza kubatana kwemarudzi pamwe nekuve mucherechedzo werunyararo munyika.

Mumwe mugari wemuHarare, VaEdwin Mwase, vatsigirawo mashoko aya vachiti nekuda kwekuti vanodya zvavanokohwa chete, vanga vasingagoni kugara kumba sezvo vachitsvaka mari.

VaMwase vati zviri nyore kune vari pamabsa chaiwo kuti vaende kuzororo nekuti vanozongowana mari yavo. VaMwase vatiwo zuva iri harina zvarinoreva kwavari sezvo kubatana kunotaurwa vasingakuoni

Chipangamazano chemutungamiriri wenyika, VaChristopher Mutsvangwa, vati zuva reUnity Day rakakosha zvikuru.

VaMutsvangwa vati zvakaitika munyika pakubvisa hurumende yaVaMugabe zvinoratidza kubatana kukuru vakati shuviro yavo ndeyekuti kubatana uku kuenderere mberi.

VaMutsvangwa vatiwo kubatana kwevana veZimbabwe kunounza budiriro.

Chibvumirano cheUnity Day chakakwanisa kupedza kusagadzikana kwakanga kwapinda munyika kubva panguva yekuwana kuzvitonga kuzere.

Chibvumirano ichi chakaita kuti pave nehurumende yemushandira pamwe pakati pebato reZanu PF yaVaRobert Mugabe nePF Zapu yaitungamirwa nevakazove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, mushakabvu Doctor Joshua Nkomo.

Asi chibvumirano ichi hachisisina kunyatsosimba sezvo dzimwe nhengo dzeZapu dzakadai saVaDumiso Dabengwa dzakabuda mubato reZanu PF.

Vamwewo vatiwo kukosha kwezuva iri kuchaonekwawo pachasarudzwa vatevedzeri vemutungamiri wenyika naVaEmmerson Mnangagwa sezvo mumwe wavo achifanirwa kubva kuPF Zapu

Hapana kuunganwa kwaitwa zviri pamutemo kucherechedza zuva iri muHarare.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano ravanachipangamazano, reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vanoti chibvumirano cherunyararo chakaitwa muna 1987 pakati pe PF Zapu neZanu PF hachina zvachinoreva kana nyaya yeGukurahundi isina kugadziriswa zvachose.

Doctor Ruhanya vanoti maronda akakonzerwa nehurumende yaiva pasi paVaRobert Mugabe, mukuedza kwayo kugadzirisa dambudziko rakanga rapinda mumatunhu eMatabeleland neMidlands anofanirwa kutanga apodzwa, kwozotaurwa nezvekubatana kana runyararo.

Chimwe chavanoti chinofanirwa kupedzwa inyaya yekuti munhu anozivikanwa nedunhu raanobva, kwete nekuti chizvarwa cheZimbabwe.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG