Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yoita Hurukuro neVakuru Vakuru muAmerica


Vatungamiri vemapato ari mumubatanidzwa weMDC Alliance
Vatungamiri vemapato ari mumubatanidzwa weMDC Alliance

Mutungamiri webato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vari kutungamira zvakare mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance, vakatuma chikwata chakasimba kunotsvaga rutsigiro kunze kwenyika pamwe nekuti vekunze vazive chokwadi chiri kuitika muZimbabwe.

Chikwata ichi chine nhengo ina dzinoti mutungamiri weimwe MDC, Professor Welshman Ncube, mutungamiri wePeople's Democratic Party, PDP, VaTendai Biti, mumwe wevatevedzeri vaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, pamwe nemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume.

Asi VaNcube vanonzi vazobatikana.

Chikwata ichi chinonzi chiri kutarisirwawo kusangana nemutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, uye kuendawo kune dzimwe nyika dzinosanganisira Ethiopia, neBritain.

VaNgarivhume vanoti vakaona zvakakodzera kuti vazivisane nedzimwe nyika kuitira kuti dzinzwe pamire mapato anopikisa pane zviri kuitika muZimbabwe.

"Tinoda kuti vekunze vanzwe patimire kuitira kuti kana votora matanho ave matanho anotorwa zvido zvevanopikisa zviripowo," vadaro VaNgarivhume.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG