Accessibility links

Breaking News

America Inoti Iri Kutevera Zvakadzama Zviri Kuitika muZimbabwe


Seneta Jeff Flake naseneta Cory Booker vachinzwa mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe
Seneta Jeff Flake naseneta Cory Booker vachinzwa mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe

Hurumende yeAmerica inoti iri kutevera zvakadzama mafambiro ezvinhu muZimbabwe zvichitevera kusiya basa kwevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe vachitsiviwa nevaimbove mutewedzeri wavo, VaEmmerson Mnangagwa.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa neChipiri mudare reSeneti remuAmerica, waizeya remangwana reZimbabwe, uyo waikokerwa nekomiti yedare iri inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, yeUnited States Senate Committee on Foreign Relations, wakapindwa nenhumwa dzemubatanidzwa wemapato anopikisa, weMDC Alliance.

Vachivhura musangano uyu, SenetaJ Fake, avo vanomirira Arizona mudare reSeneti, vakati America haisati yanzwisisa kuti zvinhu zvakananga kupi muZimbabwe mushure mekupindira kwemauto mukubvisa VaMugabe, vakati dare rekongiresi rinoda kuziva kuti igwara ripi raingatora panyaya iyi.

Vakati mutungamiri wenyika, VaMnangagwa havasi munhu mutsva kwavari, vakati kusvika pavakazodzingwa basa, vakanga vari munhu wepedyo zvikuru kuna VaMugabe. Vakatiwo VaMnangagwa munhu anopomerwawo mhosva dzekuurayiwa kwevanhu munguva yeGukurahundi kumakore ekuma 1980, izvo zvakaurayisa vanhu vanodarika zviuru makumi maviri.

Izvi zvakatsinhirwawo naSeneta Cory Anthony Booker vanomirira New Jersey, avo vakatiwo hurumende yaVaMnangagwa inofanirwa kutsanangura zvakaitika munguva yeGukurahundi, zvikuru mudunhu reMatabeleland, uko nanhasi zviuru zvevanhu zvichiri kushushikana nekuda kwechiitiko ichi.

Seneta Booker vakakurudzirawo kuti sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya dzive sarudzo dzakachena, dzakajeka uye dzinotambirwa nevanhu vose, vakati vemapato anopikisa vanofanirwawo kusununguka mukutsvaga rutsigiro vachisangana nevatsigiri vavo. I

zvi zvakatsinhirwawo nemuterevedzeri mukuru wemunyori anoona nezveAfrica, Amai Stephanie Sullivan.

Amai Sullivan vakatiwo hapana hurongwa hwekushandura zvinhu pari zvino kusvika vaona sarudzo dzakachena dzinoitwa murunyararo.

Imwe nhengo yedare reSenti yakataurawo iri mukomiti iyi, Seneta Chris Coons vekuDelaware, vakatiwo havatsigiri kubviswa kwezvirango zvakatemerwa vamwe vari muhurumende kusvika pave neshanduko inobatika uye kuoneka.

Vakatiwo munyika munofanirwa kuve nekuremekedzwa kwemutemo, uye vakatiwo vanhu vanofanirwa kuvimba zvakare nevanochengetedza runyararo munyika, zvikuru vechiuto.

Nhumwa yemutungamiri wemubatanidzwa weMDC Alliance, uye vachitungamira bato reMDC, VaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti vebato PDP, vakakurudzira America kuti irambe ichiita zvayagara ichiita, zvekubatsira vana veZimbabwe.

VaBiti vakatiwo hurumende iripo inofanirwa kutanga nekudzokera mukuremekedzwa kwebumbiro remitemo, kuvepo kwesarudzo dzakachena, uye kubvumidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvikwanise kuvhota zviri munyika dzazvigere.

Vakatiwo masangano akaita seUnited Nations neAfrican Union anofanirwa kubvumidzwa kuongorora sarudzo dzichaitwa gore rinouya idzi.

Nevanorwira kodzero dzevanhu vakawanawo mukana wekupira mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe kukomiti yeSeneti iyi.

Mumwe akataurawo ndaVaDewa Mavhinga, gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica.

VaMavhinga vakati kubva mauto paakabatsira kubvisa VaMugabe pachigaro, kutyorwa kwekodzero dzevanhu nemauto aya kuri kuramba kuchikwira. Vakatiwo nyaya dzekushungurudzwa kwevanhu munguva yeGukurahundi dzinofanirwa kugadziriswa.

Naizvozvo, VaMavhinga vakakurudzira kuti hurumende yeAmerica inofanirwa kumboramba yakaisa mamiriro ezvinhu aripo pari zvino, zvichireva kuti zvirango zvinofanirwa kumboramba zviripo.

Mumwe akataura pamusangano uyu mutori wenhau, Peter Godwin, uyo akakurudzirawo kuti zvirango zvakatemerwa vamwe muhurumende, kusanganisira mutungamiri wenyika VaMnangagwa zvimbosendekwa pachionekwa kana hurumende itsva iyi iri kutevedzera mutemo.

Vamwe vari muchikwata cheMDC Alliance, ndaVaNelson Chamisa, vanove mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T, pamwechete naVaJacob Ngarivhume, vanove mutungamiri weTransform Zimbabwe.

Chikwata ichi chiri kutarisirwa kuendawo kune dzimwe nyika chichipawo mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG