Accessibility links

Breaking News

Kongiresi yeZanu PF Inotanga muHarare


Chimwe chezvisungo zveZanu PF pakongiresi iyi kutambira kudomwa kwaVaMnangagwa semutungamiri webato

Kongiresi yechimbichimbi yeZanu PF iri kutanga nhasi muHarare paine zvisungo zvitatu zvinonzi ndizvo zvichakurukurwa nezvazvo.

Zvisungo izvi zvinoti kutambirwa kwaVaEmmerson Mnangagwa semutungamiri webato, kupa VaMnangagwa masimba ekumirira bato iri musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya uye kutambira zvisungo zveCentral Committee zvakaitwa musi wa19 Mbudzi.

Asi madzimai eboka reWomen's League anonzi ari kuti anotarisirawo kuti nyaya yekuti mumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, ave munhukadzi, sezvazvakanga zvakaita muna 2014 inzwikwe.

Aka ndekekutanga kuti bato reZanu PF riite kongiresi yaro vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasipo kubva pavakatora chigaro chemutungamiri webato iri mugore ra 1975. Vamwe vachange vasipo pamusangano uyu, inhengo dzakadzingwa mubato iri mwedzi wapera dzinosanganisira vaiona nezvegwara remusangano VaSavior Kasukuwere, vaive munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano VaIngatius Chombo, pamwe nedzimwe nhengo dzakaita saVaJonathan Moyo, VaKudzanai Chipanga naVaPatrick Zhuwawo.

Mudzimai wevaive mutungamiri webato iri, Amai Grace Mugabe ndemumwe wevanhu vachashaikwawo pamusangano uyu, uyo waifanirwa kuitwa kwemazuva matatu, asi wakazogurwa kusvika pazuva rimwechete.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG