Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweMari kuMabhanga Kunokanganisa Kisimusi yeVakawanda


Vakawanda vanonzi vakakundikana kuwana mari yekutenga zvavaida pazororo reKisimusi.
Vakawanda vanonzi vakakundikana kuwana mari yekutenga zvavaida pazororo reKisimusi.

Kunetsa kwemari munyika kunonzi kwakakonzera kuti mhuri dzakawanda dzitambe zororo reKisimusi dzisina zvadzaitarisira kuve nazvo, zvakaita sechikafu pamwe nembatya.

Mabhanga anonzi akakundikana semazuva ose kuwana mari yekugutsa munhu wese, kunyange hazvo mamwe mabhanga achinzi akanga ovhura usiku paaiwana mari.

Kukwirawo kwemitengo yezvinhu zvakawanda zvinodiwa nevanhu zuva nezuva ndechimwe chezvinhu zvinonziwo zvakakonzera kuti Kisimusi yegore rino ibva yanyanya kudzikira kana zvichienzaniswa nemamwe makore.

Nyanzvi mune zveupfumi, uye vakambotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxon Zembe, vanoti kunyange hazvo vemabhanga vakanga vave kutanga kuwana mari yekupa vanhu, mari iyi haina zvakare kukwanira vanhu.

Asi VaZembe vanoti nemaonero avo, zvinhu zvinenge zvave kuita nani kuburikidza nemari inonzi yakawanikwa nehurumende kubva kubhanga reAfrican Export–Import kuburikidza neReserve Bank of Zimbabwe, izvo zvave kuita kuti mamwe mabhanga akwanise kuwanisa vanhu mari pamichina yemaATM.

Vanotiwo chimwe chichaita kuti zvinhu zvagadzirisike munyika kuderera kwemutengo wemari yekuAmerica pamusika mutema painonzi iri kutengeswa neBond Note, uyewo kudzoka munyika kwevakawanda vanogara kunze avo vari kuuya nemari.

Hurukuro naVaLuxon Zembe
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG