Accessibility links

Breaking News

ZEC Yokurudzirwa Kuwedzera Nguva yeKunyoresa Kuvhota


Vanhu vari mumutsetse wekuvhota musarudzo dzaitungamirwa neZEC
Vanhu vari mumutsetse wekuvhota musarudzo dzaitungamirwa neZEC

Masangano akazvimirira pamwe nemapato anopikisa vari kukurudzira boka reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti iwedzere nguva yekunyoresa kwevanhu kuti vakwanise kuzovhota musarudzo dzegore rinouya.

Izvi zvinotevera kushomeka kunonzi kwehuwandu hwevanhu vanyoresa kuvhota kusvika pari zvino, uhwo hunonzi hakadarika zvishoma mamiriyoni mana, pahuwandu hwuri kutarisirwa neZEC hwemamiriyoni manomwe.

Nekuda kwaizvozvo, sangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, raburitsa gwaro rekukurudzirawo ZEC kuti iwedzere nguva iyi.

Sangano iri rinoti ZEC inofanirwa kugadzirisawo zvinhu zvakaita sezvekushandisa mukunyoresa vanhu kuvhota, kujekesa pamusoro pevane vabereki vekunze vakanzi vave kukwanisa kunyoresa zvisina dambudziko, kuvhundutsirwa kwevanhu zvikuru mumaruwa, uye kuti mune remangwana paiswewo zvimbuzi munzvimbo dzekunyoresa kuvhota kana kuvhotera.

Mashoko aya akatsinhirwawo nebato reMDC-T, pamwe neMDC.

Mukuru wesangano reZimRights, VaOkay Machisa, vanoti zvakakosha kuti dai ZEC yawedzera nguva yekunyoresa kana nemasvondo mana zvawo kuitira kuti vanhu varerukirwe nekufamba mitunhu miduku.

"Rangarirai kuti kutorwa kwenyika, kana kuti kusununguka kwenyika, eeh, zvaisanganisira masoja mukati. Saka izvozvo zvakasanganisira kuti vanhu vasafambe vachienda kuno register zvakasununguka," VaMachisa vanodaro.

Vanoti havaoni vanhu vakawanda vachizokwanisa kuwana mari yekuti vazokwira mabhazi kuenda kumahofisi eZEC kunonyoresa, vachirega kutengera mhuri dzavo zvekudya.

Hurukuro naVaOkay Machisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG