Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo Vonyunyuta neKusagovanwa kweZvigaro Kwakaenzana muPresidium yeZanu PF


Mutauriri weZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya.
Mutauriri weZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya.

Sangano revakarwa hondo yerusunguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association rinonzi harisi kufara nekwarinoona sekusaremekedzwa kwechibvumirano cherunyararo chakanyoreranwa pakati peZanu PF nePF Zapu muna 1987.

Izvi zvinotevera kudomwa kwenhengo nhatu dzeZanu PF kupinda muhutungamiri hwepamusoro hwebato, kana kuti presidium, zvinonzi nevamwe zvave kureva kuti PF Zapu ichangowana chigaro chimwechete, chemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika.

Mutungamiri webato iri, VaEmmerson Mnangagwa vanobva kuZanu PF, kuchitiwo avakadoma sasachigaro webato, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri vachibva zvakare kuZanu PF.

VaMnangagwa vanotarisirwa kudoma vatevedzeri vavo vairi, mumwe achibva kuZanu PF mumwe kuZanu PF, izvo zvinonzi nevakarwa hondo ava zvinopa Zanu PF kuti ionekwe sekunge iri pamusoro pePF Zapu mumubatanidzwa uyu.

Asi mutauriri wesangano iri, VaDouglas Mahiya, vanoti musangano wavo hauone sepane dambudziko guru nekuti zvinhu zvinofanirwa kugadzirisika.

VaMahiya vanoti sangano ravo rine hurongwa hwekusangana nehutungamiri hweZanu PF kuti vazeye pamwe nekugadzirisa nyaya iyi.

Mushure mekunyoreranwa pasi kwechibvumirano cherunyararo pakati pemapato maviri aya, bumbiro remubatanidzwa weZanu PF rinonzi harina kubuda pachena kuti zvigaro zvemu presidium zvinogovanwa sei.

Asi kune vamwe vanoti pane chibvumirano chisina kunyora pasi chekuti Zanu PF inotora zvigaro zvemutungamiri webato ari munyori mukuru pamwe nemumwe mutevedzeri wake, PF Zapu yotorawo chigaro chasachigaro pamwe nechemumwe mutevedzeri wemutungamiri webato.

Hurukuro naVaDouglas Mahiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG