Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weMakonde, VaParadza Vanorangarira Vavanomirira paZuva reKisimusi


A protester, bottom, and riot policeman react after catching fire from a gasoline bomb during a protest in the the northern city of Thessaloniki, Greece.
A protester, bottom, and riot policeman react after catching fire from a gasoline bomb during a protest in the the northern city of Thessaloniki, Greece.

Mumiriri weMakonde mudare reparamende uye vari nhengo yeZanu PF, VaKindness Paradza, vanoti sezvo nguva yezororo reKisimusi iri nguva yekupa, ivo vaita saizvozvo kuburikidza nekugovera mupunga kuvanhu vemudunhu ravo kuti vawane chekudya nemhuri dzavo pazororo.

VaParadza vanoti kunyange hazvo zvinhu zvanga zvakaoma gore rino, ivo semumiriri wevanhu, vakaedza kuona kuti vawaka makirinika, zvikoro pamwe nezvibhorani mudunhu ravo kuitira kuti vanhu varerukirwe nehupenyu.

Vanoti gore rinouya vanoona sekunge richange rakarerukira vanhu kana mvura yakanaya zvakanaka sezvavari kutarisira. VaParadza vanotiwo gore rinouya vachange vaine basa rekuita sezvo vatove nemari yebudiriro yematunhu, yeConstituency Development Fund (CDF).

"Ndinenge ndichida kuti muMakonde muno umu tibudirire kuti tienzanewo nemamwe ma constituency ari kune dzimwe nzvimbo dzakabudirira," vanodaro VaParadza.

VaParadza, avo vaimbove mutori wenhau, vanoti chinhu chikuru chavari kukurudzira mudunhu ravo gore rinouya kubatana.

"Gore rino riri kuuya ndinoti kubatana muMakonde, ngatiwiriraneyi, ngatibatsiraneyi. Ma project akawanda anobatsira vechidiki atiinawo."

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG