Mabhanga emunyika akazivisa neChishanu chapfuura kuti ave kuzotambira sechibatiso chekuti murimi akwerete mari zvibvumirano zvekushandisa minda zvemakore makumi mapfumambwe nemapfumbamwe zvakapiwa kuvarimi vakagariswa patsva nehurumende.
Bepanhau reHerald rinoti danho remabhanga iri rakaziviswa svondo rapera nemutungamiri wesangano rinomirira mabhanga emunyika, weBankers Association of Zimbabwe, Doctor Charity Jinya, pavaipindura mubvunzo wainge wabvunzwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, wekuti sei mabhanga achiramba kutambira zvibvumirano izvi, kana kuti ma lease.
Kare mabhanga airamba kutambira zvibvumirano izvi sechibatiso achiti hapana chinotsinhira kuti anozopiwa mari dzawo kana murimi akakundikana kubhadhara chikwereti ichi sezvo minda iri yehurumende.
Mutungamiri wesangano revarimi reZimbabwe Commercial Farmers Union, VaWonder Chabikwa, vanoti varimi vanotambira nemufaro shanduko iyi, sezvo zvikwanisiro ranga ragara riri iro dambudziko guru riri kuvatadzisa kushandisa minda zvine pundutso.
Facebook Forum