Accessibility links

Breaking News

Mashonaland Central Inochema Kushaya kwaVaChitate veMDC-T


Nhengo dzeMDC-T

Mhuri yeMDC-T mudunhu reMashonaland Central iri kuchema kushaya kwasachigaro webato iri mudunhu iri, VaJustine Chitate, avo vakashaya nemusi weSvondo.

VaChitate vanonzi vakadonha vachibva vashaya mushure mekunge vachangopedza kutaura pagungano rekurangarira imwe nhengo yebato ravo yakashaya masvondo adarika.

Mutauriri webato reMDC-T mudunhu reMashonaland Central, VaSaymore Mhene, vanoti mutumbi waVaChitate warara kumba kwavo kuWaterfalls usiku hweMuvhuro uye waendeswa kumusha kwavo mubhuku rekwaNzvere, kwaNy’ava kuBindura, uko vari kutarisira kuradzikwa neChitatu.

VaMhene vanoti sebato varasikirwa zvikuru nekushaya kwaVaChitate, sezvo vanga vari baba, mukoma, mutungamiri uye chipangamazano kumunhu wese, kwete nhengo dzeMDC-T chete.

VaChitate vanonzi vasiya mhuri yakakura ine vana vanodarika makumi maviri.

Hurukuro naVaSaymore Mhene
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG