Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Votarisira Kuzadzisirwa Kodzero Dzavo Muna 2018


VaPromise Sande, vesangano reZimbabwe Citizens Initiative vanoti vari kunze vanofanirwa kuvhota gore rinouya.
VaPromise Sande, vesangano reZimbabwe Citizens Initiative vanoti vari kunze vanofanirwa kuvhota gore rinouya.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kurumbidzwa zvikuru nekubatsira kuti nyika isagwadama munyaya dzezveupfumi kuburikidza nemari yazvinotumira kumusha, iyo iri kuraramisa mhuri dzakawanda munguva yekuoma kwezvinhu kudai.

Gore rino chete bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rakaisa huwandu hwemari inotarisirwa kubva kune vari kunze kwenyika pamazana manomwe nemakumi mashanu emamiriyoni emadhora panopera gore.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dziri kuisa huwandu hwemari inotarisirwa kubva kune vari kunze iyi pabhiriyoni remadhora kana kudarika.

Asi kunyange hazvo vari kunze ava vari kuraramisa mhuri dzavo pamwe nekubatsira nyika nemari, chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kunze, VaPromise Sande, vanoti vari kunze vari kunyanya kunyunyuta nekuti havasi kupiwa kodzero dzavo dziri mubumbiro remitemo, dzekuvhota vari munyika dzavagere.

"Sevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, mari dzatinotumira dziya dzinonzi ma remittances ndoanga ari kubata nyika kutodarika iya inonzi foreign direct investment inenge ichipinzwa munyika nema investors.

"Saka kana sevana veZimbabwe vari kunze tiri kuita contribute to our economy at that level, tiri kukumbirawo kuti hurumende yaVaMnangagwa inzwisise kuti kodzero dzedu sevana veZimbabwe vanodarika 4 million hadzingadzvanyirirwe," vanodaro VaSande.

Kunyange hazvo mutungamiri wenyika mutsva, VaEmmerson Mnangagwa, vakavimbisa kuti vacharemekedza bumbiro remitemo yenyika, Zimbabwe Electoral Comission yakatozvisa kare kuti haina zvikwanisiro zvekuti iite izvi musarudzo dzegore rinouya.

Hurukuro naVaPromise Sande
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG