Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Huwandu hweVanhu Vanyoresa Kuvhota Hwadarika Zvishoma Mamiriyoni Mana


Vanhu vachivhota

Boka rinotungamira sarudzo munyika, reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rinoti rakakwanisa kunyoresa vanhu vanodarika mamiriyoni mana kusvika mukupera kwezuva musi weSvondo, 10 Zvita 2017.

Mumashoko ayaburitsa, ZEC inoti yakakwanisa kunyoresa vanhu vanoita 4,016, 609.

Payakaparura chirongwa ichi, ZEC yakazivisa kuti yaizotarisira kunyoresa vanhu vanosvika mamiriyoni manomwe kuti vagozokwanisa kuvhota musarudzo dzegore rinouya.

Asi izvi zvinenge zvicharo kona n’nga murapwa achida, sezvo kwangosara mazuva masere chete kuti chirongwa ichi chisvike kumagumo musi wa 19 mwedzi uno.

Mukuru weElection Resource Centre VaTawanda Chimhini vanoti huwandu hwevanhu vanyoresa kusvika pari zvino hwunofadza, asi pachine mukana wekuti vanhu vakawanda vabude vaende kunonyoresa.

“Vanhu vakashandisa mukana wekunyoresa vari pedyo nemisha yavo, asi ZEC inofanirwa kuvandudza mitemo yezvinodiwa kuti munhu akwanise kunyoresa, zvakaita se proof of residence, zvichiri kukanganisa vanhu vakawanda,”

VaChimhini vanoti vachasvitsa chikumbiro chekuti nguva yekunyoresa kuvhota iwedzerwe, kuitira kuti vanhu vose vapiwe mukana wekunyoresa kuvhota, sezvo vamwe vasati vawana zvitupa panguva dziri kunyoreswa vanhu mumatunhu avo.

Hurukuro naVaTawanda Chimhini
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG