Accessibility links

Breaking News

Mubatanidzwa weMDC Alliance Woita Zinyekenyeke?


MDC Alliance

Mubatanidzwa weMDC Alliance unonzi waita zinyekenyeke zvichikonzerwa nekusawirirana kunonzi kuri mubato reMDC inotungamirirwa navaMorgan Tsvangirai pamusoro pemubatanidzwa uyu.

Zvinonzi vamwe vakuru-vakuru muMDC-T vasiri kuwirirana nepfungwa yekupinda mumubatanidzwa uyu vari kuudza nhengo dzebato iri mumatunhu kuti dzisatambira pfungwa yemubatanidzwa, izvo zvinonzi zvave kuita kuti mamwe mapato ari mumubatanidzwa apererwe nezano.

Vamwe vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vamwe muMDC-T vatotanga kutsvaga rutsigiro nechemuvhu kunyange hazvo mapato ari mumubatanidzwa akagovana matunhu ekumirira musarudzo.

Kunyange hazvo mumwe wevatungamiri vari muMDC Alliance, VaJacob Ngarivhume, varamba kuti mubatanidzwa wakatarisana nekuparara, asi vanotenda kuti mune matambudziko anofanirwa kugarirwa pasi nekukasika nevatungamiri vemapato manomwe akaumba mubatanidzwa.

Hurukuro naVaJacob Ngarivhume
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, varamba kuti mubato ravo reMDC-T mune vanhu vari kuramba mubatanidzwa weMDC Alliance.

VaMwonzora vanoti bato ravo riri kuenderera mberi negadziriro yemubatanidzwa, vachiti vatongomirira gwaro rinobva mune vari kutungamira nhaurirano vakamirira bato ravo mumubatanidzwa weMDC Alliance, VaJameson Timba, kuti vatange kutsvaga vanhu vachakwikwidza vakamirira bato mumubatanidzwa.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG