Mutungamiri weMDC 99, VaJob Sikhala, vanoti pane mukana mukuru wekuti bato ravo ritaurirane neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, kuitira kuti mapato maviri aya apinde musarudzo dza 2018 akabatana
Vanhu vanodarika makumi matatu, vazhinji vavo vari zvizvarwa zveZimbabwe, vari kufungidzirwa kuti vakafira mune mumwe mugodhi wegoridhe wanga usisashandiswe, muSouth Africa.
Mapurisa asunga vechidiki vana mubato reMDC T vachivapomera mhosva yekuve nechekuita nekurohwa kwemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, masvondo maviri apfuura
Mapurisa asunga vakuru vakuru vaviri mubato reMDC T zvine chekuita nekurohwa kwemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma
Zimbabwe yavhura mwaka wekutengeswa kwefodya muHarare neChitatu mutengo wepamusoro uchinzi wapinda mumadhora mashanu pakirogiramu imwe chete.
Mapurisa ekwa Sadza mudunhu reMashonaland East neChipiri arambidza bato idzva rezvematongerwo enyika, reTransform Zimbabwe, kuti riite musangano waro.
Zimbabwe yatanga neMuvhuro kuburitsa mumajeri vasungwa vanodarika zviuru zviviri pasi pechirongwa chemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, chekuregerera vasungwa pasi pebumbiro remitemo yenyika.
Masangano akazvimirira ane chitsama emuHarare anonzi akanyimwa mvumo nemapurisa yekuti apinde mumigwagwa neChina achiratidzira pamusoro pehuwori hunonzi huri kuitika mumakambani mazhinji ari pasi pehurumende.
Bato reZanu PF rinoti rinosimbisa danho remutungamiri wenyika panyaya yekurwisana nehuwori munyika
Vamiriri vevashandi vehurumende vari kutarisirwa kusangana neChipiri negurukota rezvevashandi pamwe nemabasa ehurumende, VaNicholas Goche, kuti vakurukure nezvematambudziko anonzi okonzerwa nehuwori hunonzi hwakaitika kukambani yePremier Services Medical Aid Society, PSMAS
Mhuri dzinodarika mazana matanhatu dzinonzi dzakatarisana nenjodzi huru kana dzikasabva nekukasika munzvimbo yadziri iri pedyo nedhamhu reTokwe-Murkosi mudunhu reMasvingo.
Mvura yakawandisa yakanaya mumatunhu anoti Masvingo, Midlands neMatabeleland South mukupera kwesvondo inonzi yakazadza nzizi dzakawanda izvo zvinonzi zvakazoita kuti madhamhu maduku azarise mamwe achiparadzwa pamwe nezvirimwa, migwagwa, mabhiriji uye misha
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vasangana muHarare nevamiriri venyika dzemuAfrica pamwe nevekunze kweAfrica vachikurukura mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeupfumi, zvematongerwo enyika pamwe nezviri kuitikawo mubato ravo
Komiti yepamusoro mu MDC-T, national executive, iri kutarisirwa kuita musangano wayo wekutanga gore rino neChishanu.
Vakafanobata chigaro chagavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, Amai Charity Dhliwayo, vatura gwaro ravo rehwaro hwemari pamwe nemitemo inotarisirwa kuteverewa munyaya dzemari, kana kuti monetary policy statement
Vakafanobata chigaro chagavhuna webhanga guru renyika, Amai Charity Dhliwayo, neChitatu vari kutarisirwa kutura gwaro ravo rehwaro hwemari pamwe nemitemo inotarisirwa kutevedzerewa munyaya dzemari.
Veruzhinji vanonzi vakatyamadzwa nemari dzinonzi dziri kutambirwa nevashandi vepamusoro gumi nevana mukambani yePremier Services Medical Aid Society, PSMAS, avo vanonzi vanotambira mari inosvika madhora miriyoni imwechete pamwedzi
Sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rinoti nhengo dzaro dziri kunyunyuta zvikuru pamusoro pemari yadzakapiwa nehurumende panhaurirano dzemihoro dzakaitwa nemusi weMuvhuro.
Vari kumirira vashandi vehurumende pamwe nevari kumirira hurumende munhaurirano dzemihoro vanonzi vawirirana kuti hurumende haina mari yakawanda yekuti iwedzere vashandi vayo mihoro, izvo zvinonzi zvazoita kuti vashandi vatambire zvanga zvichipiwa nehurumende
Vamiriri vevashandi vehurumende vasangana zvakare muHarare nevari kumirira vashandi munhaurirano dzemihoro kuti vaedze kugadzirisa kusawirirana kunonzi kwakabuda mumusangano wakaitwa nemusi weChitatu, uyo unonzi wakapera ari mangange
Rodhai zvimwe