Accessibility links

Breaking News

VaGoche Votarisirwa Kusangana neVaShandi veHurumende neChipiri


VaNicholas Goche
VaNicholas Goche
Vamiriri vevashandi vehurumende vari kutarisirwa kusangana neChipiri negurukota rezvevashandi pamwe nemabasa ehurumende, VaNicholas Goche, kuti vakurukure nezvematambudziko anonzi okonzerwa nehuwori hunonzi hwakaitika kukambani yePremier Services Medical Aid Society, PSMAS.

Sachigaro vesangano remubatanidzwa wemasangano evashandi vehurumende, reApex Council, uye vari mutungamiri weZimbabwe Teachers Asoociation, ZIMTA, VaRichard Gundani, vanoti nhengo dzavo dziri kusangana nematambudziko ekutadza kurapwa nekuda kwezvikwereti zvinonzi zvine PSMAS kuzvipatara nemakiriniki zvakasiyana siyana munyika.

Vanoti zvinorwadza ndezvekuti vashandi vehurumende, vanove ndivo vakatanga sangano rePSMAS kumakore ekuma 1930, ndivo vari kunhonga nhoko dzezvironda asi vakuru vekambani iyi vachinokora pamadiro mari dzinenge dzabhadharwa nevashandi vehurumende.

VaGundani vanotiwo imwe nyaya ingangokurukurwa nezvayo ndeye mari dzemihoro dzinonzi hurumende yakabvuma kuwedzera vashandi vayo kubva mwedzi wapera asi nanhasi zvinonzi hapana ane ruzivo kuti mari idzi dzinouya riini.

Vamwe vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vashandi vari muchiuto vatotanga kare kuwana ma payslip avo asina mari itsva idzi.

Mwedzi wapera hurumende yakabvuma kuwedzera vashandi mari VaGoche vakavimbisa kuti vashandi vachapiwa mihoro yavo ichidzoserwa kumwedzi waNdira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG