Accessibility links

Breaking News

Mhuri Dzakawanda kuMasvingo Dzokanganiswa neMvura


Mhuri dzinodarika mazana matanhatu dzinonzi dzakatarisana nenjodzi huru kana dzikasabva nekukasika munzvimbo yadziri iri pedyo nedhamhu reTokwe-Murkosi mudunhu reMasvingo.

Mudhuri wedhamu iri unonzi wakatsemurwa nemvura iyo iri kukanaya zvakasimba kuchamhembe kwenyika mazuva ano.

Mukuru anoona nezvezvirongwa musangano rakazvimirira re Community Tolerance Reconciliation and Development, COTRAD, VaZivanai Muzorodzi, vanoti masangano anopa rubatsiro akasiyana siyana atove mudunhu iri achiona kuti angabatsirana nehurumende sei mukuyamura mhuri idzi, sezvo pari kutyirwa kuti mvura iyi ingangoramba ichiwanda.

Bepanhau reHerald rinotiwo mapurisa ari kukurudzira vanhu vari kugara munzvimbo dzakaderera kuti vabve munzvimbo idzi vachienda kunzvimbo dzakakwirira.

Hatina kukwanisa kubata gurukota redunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti, kuti tinzwe matanho ari kutorwa nehurumende padambudziko rakatarisana nevanhu vemudunhu ravo.

Asi VaMuzorodzi vanoti misha inodarika makumi maviri kuMwenezi yakaparadzwawo nemvura iyi.

Mvura yakawandisa yakanaya mumatunhu anoti Masvingo, Midlands neMatabeleland South mukupera kwesvondo inonzi yakazadza nzizi dzakawanda izvo zvinonzi zvakazoita kuti madhamu akawanda azarise mamwe achiparadzwa pamwe nezvirimwa, migwagwa uye misha.

Matunhu anonzi akanyanya kukanganiswa nedambudziko iri kuMasvingo anoti Gutu, Chivi pamwe neChiredzi, uko kunonzi vanhu vakawanda vangangoda rubatsiro rwakasiyanasiyana zvichitevera kuparadzwa kwemisha nezvirimwa zvavo.

Zvinonziwo bazi reCivil Protection Unit riri kuongorora hudzamu hwedambudziko iri mumatunhu aya pamwe nekupa rubastiro.

Mafashanu emvura anonzi anetsawo zvikuru kuMatabeleland, uko kune misha, migwagwa nemazambuko ari kuparadzwa nemvura.



please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG