Accessibility links

Breaking News

Kurohwa kwaVaMangoma Kosungisa Vechidiki Vana veMDC-T


Mapurisa asunga zvakare dzimwe nhengo dzebato reMDC T nenyaya yekurohwa kwaVaMangoma
Mapurisa asunga vechidiki vana mubato reMDC T vachivapomera mhosva yekuve nechekuita nekurohwa kwemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, masvondo maviri apfuura.

Vasungwa ava ndiVaEnock Mukudu, VaFrancis Machimbidzofa, VaStephen Jahwi naVaSamson Nerwande. Vechidiki ava vari mumaoko emapurisa uye vari kutarisirwa kumiswa pamberi pematare neChitatu.

Vamwe vakuru vebato iri vaviri vanoti mumiriri weHarare Central, VaMurisi Zwizwai, pamwe nemukuru anoona nezvesarudzo, VaDennis Murira, vakambotorwawo zvakare nemapurisa neMuvhuro asi vanonzi vakazoregedzwa usiku vasina mhosva yavapomerwa.

Munyori wezvekuchengetedzeka muboka revechidiki, VaJames Chidhakwa, vari muhusungwa vachipomerwawo mhosva yekurova VaMangoma.

Mune imwewo nyaya, imba yemunyori mukuru muMDC T, VaTendai Biti, inonzi yakandirwa bhambu repeturu mambakwedza eChipiri asi bhambu iri rinonzi harina zvakanyanya zvarakuvadza.

Mutauriri webato reMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti mapurisa ari kuferefeta nezvechiitiko ichi, icho vanoti chakafanana nechakamboitika muna 2011 apo rimwe bhambu rakakandwa zvakare pamba paVaBiti.

Asi VaMwonzora vanoti chiitiko ichi hachineyi nezviri kuitika mubato ravo pari zvino asi kuti pane ruoko rweZanu PF. Vanoti mbiri yeZanu PF yemhirizhonga inozivikanwa kubvira kare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti MDC T haifanirwi kuzora bato ravo mafuta enguruve yarisina kudya, vachiti bato ravo harineyi nekurwisana kuri muMDC T.

VaGumbo vanoti mashoko aVaMwonzora ekuti Zanu PF ine chekuita nekubhombwa kwekumba kwaVaBiti uye hapana asingazivi kuti bato reMDC T ndere mhirizhonga sezviri kuitika mubato iri pari zvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG