Accessibility links

Breaking News

Mari Dziri Kutambirwa kuPSMAS Dzoresa Vakawanda Hana

Veruzhinji vanonzi vakatyamadzwa nemari dzinonzi dziri kutambirwa nevashandi vepamusoro gumi nevana mukambani yePremier Services Medical Aid Society, PSMAS, avo vanonzi vanotambira mari inosvika madhora miriyoni imwechete pamwedzi.

Mari idzi dzinonzi dzakawandisa kuti dzitambirwe nevanhu vanogara munyika yakaita seZimbabwe, umo musina kumira zvakanaka zvinhu munyaya dzeupfumi.

Bepanhau reHerald raburitsa mari dzemihoro idzi kubva kumukuru wekambani iyi, VaCuthbert Dube, avo vanonzi mugore ra2012 vaitambira mari inoita mazana maviri nemakumi matatau ezviuru zvemadhora pamwedzi.

Bepanhau iri raburitsawo mari dzinotambirwa nevamwe vakuru-vakuru vari pasi paVaDube, avo vanonzi vanotambirawo mari dzinobvira kumazana maviri ezviuru dzichidzika kusvika kuzviuru makumi matanhatu pamwedzi.

Mihoro iyi inoburitswa panguva iyo kambani yePSMAS iri kunzi iri kutatarika uye ine zvikwereti zvinosvika madhora mamiriyoni makumi matatu nemasere.

Zvinonziwo vashandi, zvikuru vehurumende, vanoshandisa sangano iri mukurapwa muzvipatara zvakasiyanasiyana, vave kutadza kurapwa muzvipatara vachinzi kambani iyi haisi kubhadhara zvikwereti zvayo.

Bepanhau reHerald rinotiwo gurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, vakati hurumende iri kuongorora nezvenyaya dzemihoro idzi pamwe nezvimwe zviri kuitika mumakambani anobatsira mukurapwa kwevanhu.

Pane mashokowo ekuti hurumende inenge iri kuramba kumutsiridza rezinesi rekambani iyi nekuda kwezvinonzi zviri kuitika mairi.

Hatina kukwanisa kubata VaParirenyatwa kuti tinzwe kuti vachafambisa seyi nyaya iyi. Nhare dzevekuPSMAS dzanga dzisingadairwi.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vari mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti nyaya iyi inonetsa, nekuti muZimbabwe haukwanisi kungotora zvese zvawaverenga woti ndicho chokwadi.

Asi VaMufukare vanoti kana chiri chokwadi kuti mazimari aya ndiwo ari kutambirwa nevanhu ava, zvinhu zvinoshamisa.

Mubati wehomwe musangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, VaLadistous Zunde, vanotiwo vanonzwisisa zviri kutaurwa naVaMufukare, asi kazhinji hapana utsi hunobuda pasina moto.

Vanotiwo nhengo dzavo zhinji dziri kushupika idzo dzichibhadhara mari mwedzi woga woga, izvo zvave kureva kuti vatosainirwa mutongo werufu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
This item is part of
XS
SM
MD
LG