WASHINGTON DC —
Vamiriri vevashandi vehurumende vasangana zvakare muHarare nevari kumirira vashandi munhaurirano dzemihoro kuti vaedze kugadzirisa kusawirirana kunonzi kwakabuda mumusangano wakaitwa nemusi weChitatu, uyo unonzi wakapera ari mangange.
Vane ruzivo nezvemusangano uyu vanoti hurumende yaramba yakaomerera pamari dzayakataura nemusi weChitatu, avavo vashandi vachitsikawo madziro vachiramba kutambira mari idzi.
Hurumende inonzi iri kuti inokwanisa chete kuwedzera vashandi vayo mari inoita madhora makumi manomwe nemapfumbamwe kumushandi wepasi, zana remadhora yekubatsirika pakufamba uye yekubatsirika nepekugara ichibva pamadhora zana kuenda pamadhora zana negumi nematanhatu.
Mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe VaTakavafira Zhou vanoti nemari iri kutaurwa nehurumende iyi, murairidzi ari kutanga basa anenge otangirawo pamari inoita madhora mazana mashanu pamwedzi, iyo vanoti ishoma zvikuru pane yavari kutarisira.
VaZhou vanoti vashandi vari kuramba kutambira mari idzi vachiti vanoda kuti mushandi wepasi atangire pamadhora mazana mashanu nemakumi mana, mari yavanoti yaifambirana nepoverty datum line pavakasvitsa magwaro avo kuhurumende muna Gumiguru wegore rapera.