Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoregerera Vasungwa Vanodarika Zviuru Zviviri


Majeri akawanda emunyika anonzi ari kutadza kupa vasungwa chikafu chinovakwanira
Majeri akawanda emunyika anonzi ari kutadza kupa vasungwa chikafu chinovakwanira
Zimbabwe yatanga neMuvhuro kuburitsa mumajeri vasungwa vanodarika zviuru zviviri pasi pechirongwa chemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, chekuregerera vasungwa pasi pebumbiro remitemo yenyika.

Vasungwa ava vachange vachiburitswa munguva dzakasiyana siyana svondo rino.

Vari kuregererwa vanosanganisira madzimai anga akatongwa kare ari kujeri reChikurubi, kusiya kwevakatongerwa rufu kana kuti kupika upenyu hwavo hwese.

Vechidiki vane makore ari pasi pegumi nemasere vari kupika, vasungwa vose vakatongerwa kupika mwedzi inosvika makumi matatu nemitanhatu uye vapika chikamu chekota chemitongo yavo.

Vari kuregererwa zvakare ndevakwegura vane makore anosvika makumi mapfumambwe kana kudarika, zvisineyi kuti vane mhosva dzakadii dzavakapara vacharegererwawo.

Vamwe vari kubatsirwa nechirongwa ichi ndevaya vanorwara zvakaipisisa, avo vanonzi hapachina tarisiro yekuti vanopona kana dai vakaregererwa.

Asi pane kutyirwa kuti vamwe vevanhu vari kuregererwa ava vanogona kuedzerwa vadzokera zvakare muchizarira, izvo zvaita kuti hurumende ikurudzire veruzhinji kuti vatambire vanhu ava kuitira kuti vakwanise kugarisana navo.

Kuburitswa kwevanhu ava kunotarisirwa kuderedza zvakanyanya huwandu hwevasungwa mumajeri avo vanonzi vanga vasvika pa 18 980 mumajeri makumi mana nemaviri emunyika, ayo anonzi akagadzirirwa kutakura vanhu vanosvika 17 000 chete.

Makore apfuura vasungwa vakawanda vanga vachirasikirwa nehupenyu hwavo nezvirwere zvinonzi zvine chekuita nekushaikwa kwechikafu chinovaka muviri.

Haisi nzara chete inonzi iri kuonesa vasungwa chamutavanhava sezvo kushaikwawo kwezvipfeko kuri kunzi kuri kumanikidza vasungwa kuchinjana mbatya kana vamwe voenda kunotongwa kumatare edzimhosva.

Mukuru wesangano rinoshanda nevasungwa, reZimbabwe Zssociation for Crime Prevention and Rehabilitation of the Offender, ZACRO, VaEdson Chihota, vanoti zvakakosha zvikuru kuti vanenge vabuda kumajeri ava vapiwe mumwe mukana wekuti vatange upenyu hutsva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG