WASHINGTON DC —
Vakafanobata chigaro chagavhuna webhanga guru renyika, Amai Charity Dhliwayo, neChitatu vari kutarisirwa kutura gwaro ravo rehwaro hwemari pamwe nemitemo inotarisirwa kutevedzerewa munyaya dzemari, monetary policy statement.
Hurongwa uhwu hwunotarisirwa panguva iyo zvinhu munyika zvisina kumira zvakanaka munyaya dzeupfumi, uye kuvharwa kwemakambani pamwe nemabhanga, zvikuru evatema.
Zvimwe zvezvinonzi zviri kutarisirwa kuve mugwaro raAmai Dhliwayo iri zvinosanganisira kusagadzikana kweboka rezvemari, shanduko dzingangoitika kumutemo we Banking Act, uye kuvepo kwemunyananisi munyaya dzemari, Financial Ombudsman.
Nyanzvi mune zveupfumi, uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti nemamiriro akaita zvinhu munyika, hapana zvinoshamisa zvingatarisirwa kubva kuhurongwa uhwu.