Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorambidza Bato Idzva reTransform Zimbabwe Kuita Musangano kwaSadza


Zimbabwe Republic Police
Zimbabwe Republic Police
Mapurisa ekwa Sadza mudunhu reMashonaland East neChipiri arambidza bato idzva rezvematongerwo enyika, reTransform Zimbabwe, kuti riite musangano waro.

Mapurisa anonziwo ambochengetedza mumwe wewakuru vebato iri ndokuzomuburitsa papera chinguva.

Mutauriri webato iri, VaTsungai Mazando, vanoti vainge vakazivisa mapurisa paine nguva kuti vachaita musangano uyu asi vazoshamiswa musangano wavo womiswa wave pakati.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mune imwewo nyaya, bato rezvematongerwo enyika idzva reNational Constitutional Assembly, NCA, rinoti rave mushishi yekuunganidza nhengo dzaro uye kuumba hutungamiri kubva pawadhi zvichikwira mumatunhu ose emunyika senzira yekuzvisimbaradza.

Mutauriri webato iri, VaMadock Chivasa, vanoti sebato idzva vari kugutsikana nemafambiro ari kuita zvinhu, sezvaratidzwa nekubudirira kwavanoti kwaita musangano wavo wavaita kuKadoma.

Gore rapera NCA yakashanduka kubva mukuve sangano rairwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika richive bato rezvematongerwo enyika.

VaChivasa vanoti vanotarisira kuita musangano mukuru webato ravo wekongiresi muna Zvita wegore rino kana zvinhu zvavo zvikafamba zvakanaka sekutarisira kwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG