WASHINGTON DC —
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vasangana muHarare nevamiriri venyika dzemuAfrica pamwe nevekunze kweAfrica vachikurukura mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeupfumi, zvematongerwo enyika pamwe nezviri kuitikawo mubato ravo.
VaTsvangirai vanonzi vatanga vasangana nevamiriri venyika dzemuAfrica, mushure mezvo vakazosangana nevamiri venyika dzekunze kweAfrica vachikurukura pamusoro pezvavanoti zviri kutadzwa nebato reZanu PF, uye nyaya yagara ichichemwa nebato ravo yekuti sarudzo dzegore rapera dzakabirwa.
VaTsvangirai vanoti boka rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rinofanirwa kuzvimirira roga uye kushanda risingambunyikidzwi kuburikidza nekuvandudzwa kwemitemo yenyika kuitira kuti ifambidzane nebumbiro idzva.
Vanotiwo kuti upfumi hwenyika husimukire, Zimbabwe inofanirwa kutsvaga mari dzekumutsiridza mabhizimusi anogadzira zvinhu, kuvepo kwehurumende inoisa chivimbo muvanhu vemunyika pamwe nevekunze kuitira kukurudzira kusimudzirwa kwemakambani uye rubatsiro rwunobva kunze.
Vakurukurawo zvakare nenyaya yehuwori kuburikidza nemari dzepamusorosoro dziri kutambiriswa vakuru vemakambani ari pasi pehurumende akaita seZimbabwe Broadcasting Corporation nePremier Service Medical Aid Society, uhwo vanoti ndiyo mhandu huru yebudiriro yeupfumi hwenyika.
Bato reMDC T rinoti hurumende yeZanu PF yatadza kugadzirisa zvinhu munyika, kuburikidza nekuvharwa kuri kuitwa makambani, kushaikwa kwemabasa pamwe nekuoma kwezvinhu munyaya dzeupfumi hwenyika.
Vamiriri ava vanonziwo vazobvunzawo VaTsvangirai pamusoro pezvirango zvinonzi nebato reZanu PF ndizvo zviri kuita kuti zvinhu zviome munyika.
Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, avo vanga vari pamusangano uyu vanoti VaTsvangirai vaudzawo vamiriri ava pamusoro pemashoko ari kubuda mudzinhau etsamba yakanyorwa nemutevedzeri wemubati wehomwe mubato ravo, VaElton Mangoma, uye zviri kuitikawo mubato iri.
Zvinonziwo VaTsvangirai vakaita musangano mukupera kwesvondo naVaMangoma, vakataurirana gakava ranga rava pakati pavo.
VaMangoma vabvuma kuti ichokwadi kuti vakasangana naVaTsvangirai, asi havana kuda kutaura zvakawanda, vachiti titaure naVaMwonzora, avo vanoti varume vaviri ava vakawrirana pane zvose zvavakakurukura.
VaMwonzora vanoti VaTsvangirai vakanzwisisa kuti VaMangoma handivo vakaendesa tsamba yavo kumapepanhau, asi vakati ivo VaMangoma pamwe nevamwe vakuru mubato iri, vane mhosva yekutaura nevenhau pamusoro petsamba iyi zviri kunze kwemutemo webato.