Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Orambidza Masangano Akazvimirira Oga Kuratidzira neNyaya yeHuori


Masangano akazvimirira ane chitsama emuHarare anonzi akanyimwa mvumo nemapurisa yekuti apinde mumigwagwa neChina achiratidzira pamusoro pehuwori hunonzi huri kuitika mumakambani mazhinji ari pasi pehurumende.

Masangano aya, ayo anosanganisira ZIMRIGHTS, Musasa Project, Crisis in Zimbabwe Coalition, ZCTU, CHRA nemamwe, anonzi anga achida kufora achi kurudzira kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe pamwe nemapazi ehurumende nemakomiti eparamende vaone kuti vatora matanho akakodzerana nenyaya dzehuwori idzi.

Asi mapurisa anonzi ati pavakakumbira mvumo havana kuisa zvose zvinofanirwa kuziviswa nevanenge vachida kukumbira mvumo.

Svondo rapera sangano revarairidzi rePTUZ rakanyimwawo zvakare mvumo nemapurisa yekuti nhengo dzaro dzifore mumigwagwa yeharare dzichinyunyuta nenyaya dzehuwori idzi.

Hatina kukwanisa kubata vari kutaura vakamirira masangano aya, Amai Netty Musanhu vekuMusasa Projects kanawo mapurisa.

Asi mukuru weZIMRIGHTS, VaOkay Machisa avo vanoti pari zvino vave kurongwa kukwira kumatare edzimhosva nenyaya iyi.
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG