WASHINGTON DC —
Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti nhengo dzaro dziri kunyunyuta zvikuru pamusoro pemari yadzakapiwa nehurumende panhaurirano dzemihoro dzakaitwa nemusi weMuvhuro.
Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti hofisi yavo iri kutambira zvinyunyuto zvakawanda zvikuru kubva munhengo dzavo dziri munyika yose, dzichivakurudzira kuti vaone zvavangaite pamusoro penyaya iyi.
Nhengo idzi dziri kuti vanofanirwa kudzokera kuApex Council kuti vazeye zvakare mihoro iyi.
Hurumende yakawedzera murairidzi anotambira mari iri pasi pasi madhora makumi mashanu nemana.
Mari dzekubatsirikana nekufambisa dzakarambira dziri pazana remadhora nemadhora gumi nematanhatu, dzepekugara dzakarambirawo dziri pamadhora zana.
Izvi zvinonzi zvakasiya murairidzi anotambira mari iri pasi pasi otambira mazana mashanu emadhora pamwedzi pasati pabviswa mitero nezvimwe.
Ukuwo, bato reZanu PF raburitsawo gwaro rinoti rinokudza zvikuru chibvumirano chakaitwa pakati pevamiriri vevashandi nevamiriri vehurumende panhaurirano dzemihoro idzi.
Nhepfenyuro yeZBC inoti mugwaro iri, mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vati kubvumirana kwemapato maviri aya kunotsinhira zvivimbiso zvebato ravo reZanu PF munguva yesarudzo zvekuti rinoda kuona mushandi wese munyika achigara zvakanaka.
Vanonzi vatiwo kuwirirana uku mucherechedzo wekuzvipira kwemapoka maviri aya kunyika yawo panguva iyo nyika yakaomerwa kuburikidza nemakore akawanda ezvirango zvayakatemerwa.
MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inotiwo hurumende inofanirwa kuwedzera vandi vayo mari inoenderana nekuoma kwaita zvinhu munyaya dzehupfumi.