Accessibility links

Breaking News

Kurohwa kwaVaMangoma Kosungisa VaZwizwai naVaMurira


VaElton Mangoma
Mapurisa asunga vakuru vakuru vaviri mubato reMDC T zvine chekuita nekurohwa kwemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma.

Vaviri ava vadaidzwa nemapurisa ekuLaw and Order muHarare masikati eMuvhuro ndokuswera variko vachibvunzurudzwa.

Vasungwa nemapurisa mumiriri weHarare Central muparamende uye vaive mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko muhurumende yemubatanidzwa, VaMurisi Zwizwai, pamwe nemukuru anoona nezvesarudzo mubato iri, VaDennis Murira.

Vaviri vasungwa zvichitevera danho rakatorwa naVaMangoma rekumhang'ara nyaya yekurohwa kwavo kumapurisa.

Mapurisa anonzi ari kudawo kubvunzurudza vechidiki vanomwe vanosanganisira VaShakespear Mukoyi, VaRhino Mashaya nevamwe, avo vanonzi vane chekuitawo nenyaya yekurohwa kwaVaMangoma uku.

VaMangoma pamwe nemunyori muboka revechidiki muMDC T, VaPromise Mkwananzi, vakarohwa mushure memusangano wakaitwa paHarvest House neMugovera wesvondo rapera.

Izvi zvakaitika mushure kunge VaMangoma vanyora tsamba kumutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, vachivakurudzira kuti vasiye chigaro.

Mutauriri webato iri, VaDouglas Mwonzora vanoti bato ravo riri kuumba komiti ichatungamirwa nemumiriri weKuwadzana West, Amai Lucia Matibenga, iyo ichaongorora nezvemhirizhonga yakaitika iyi.

VaMwonzora vanoti vanotarisira kuti VaZwizwai naVaMurira vangangomiswa pamberi pematare neChipiri.

Munyori anoona nezvekuchengetedzeka muboka revechidiki mubato iri, VaJames Chidhakwa, avo vakasungwa svondo rapera, vamiswawo pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekurova VaMangoma.

Vanzi vagare mujeri ksvika musi wa 10 Kurume apo vachazodzokera kudare kunonzwa mutongo wavo.

Mutongi wedare ramejasitireti, VaTendai Mahwe, vanyima VaChidhakwa mukana wekubvisa mari yechibatiso mushure mekunge muchuchisi wenyaya iyi, VaTungamirai Chakurira, varamba kuti vapiwe mukana uyu vachiti vanogona kuvhiringa kuferefetwa kwenyaya iyi.

VaMwonzora vanoti kusungwa kuri kuitwa nhengo dzebato ravo inzira yekudzishungurudza chete kwete kuti dzakapara mhosva yadziri kupomerwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka mubato iri zvichitevera zvakaitika mukupera kwesvondo kuKariba izvo zvaita kuti bato iri rimbomisa basa imwe nhengo yaro, uye vari kanzura ve Ward 33 kuBudiriro, VaSydney Chirombe.

VaChirombe vari kupomerwa mhosva yekuedza kumanikidza mutyairi wameya weHarare kuita zvehungochani usiku hweMugovera apo vakanga vakarara muimba yechikepe muLake Kariba.

Izvi zvakaitika apo makanzura akanga ari pahurongwa hwekuita zvidzidzo pamwe nekuzorora vari kuKariba.

Studio7 haina kukwanisa kubata kanzura Chirombe kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yanga isingadairwi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG