Accessibility links

Breaking News

VaSikhala: Pane Mukana weNhaurirano dzeKubatana kweVanopikisa Zanu PF


Mutungamiri weMDC 99 VaJob Sikhala
Mutungamiri weMDC 99 VaJob Sikhala
Mutungamiri weMDC 99, VaJob Sikhala, vanoti pane mukana mukuru wekuti bato ravo ritaurirane neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, kuitira kuti mapato maviri aya apinde musarudzo dza 2018 akabatana.

Mashoko aVaSikhala anotevera mashoko aVaTsvangirai neSvondo ekukurudzira vatungamiri vemamwe mapato vakabuda mubato ravo kuti vadzoke kuitira kuti vaumbe bato rimwe chete rakasimba zvekukwanisa kubvisa bato reZanu PF pachigaro.

VaTsvangirai vakataura mashoko aya mumusha weBudiriro apo vakakurudzira VaSikhala, mutungamiri weMDC, VaWelshman Ncube, pamwe nemutungamiri weNational Constitutional Assembly, NCA, VaLovemore Madhuku, kuti vadzoke kubato reMDC T.

VaTsvangirai vanotiwo vakazvipira kuti bato ravo riende kukongiresi nguva yayo isati yasvika kuitira kupedza kunetsana kuri mubato pari zvino.

Vamwe mubato iri vanosanganisira mutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, vakabuda pachena vachikurudzira kuti VaTsvangirai vasiye chigaro chavo mushure mekutadza kubvisa Zanu PF pachigaro kwenguva ndefu.

Nhengo idzi dziri kukurudzirawo zvakare kuti kongiresi yebato iitwe nekukasika, kwete kumirira gore ra2016.

VaSikhala vanoti pachine mukana wekuti pagadziriswe zvakamboita kuti vaparadzane, vachitiwo bato raVaTsvangirai rinofanirwa kutangawo ragadzirisa nyaya yemakakatanwa ari muMDC T pane zvino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio7 haina kukwanisa kubata VaNcube kuti tinzwe kuti vanotambira seyi mashoko aVaTsvangirai.

Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti havaoni kurudziro yaVaTsvangirai iyi iine zvikuru zvayingaita mukusimbaradza bato ravo.

VaMutasa vanotiwo VaTsvangirai vanofanirwa kutanga vagadzirisa makakatanwa ari mubato ravo vasati vashevedza vanhu vavakambosiyana navo nekuda kwezvikonzero zvimwe chetezvo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG