WASHINGTON DC —
Komiti yepamusoro mu MDC-T, national executive, iri kutarisirwa kuita musangano wayo wekutanga gore rino neChishanu.
Musangano uyu unonzi nevane ruzivo nezvawo wakakosha zvikuru sezvo pari kutarisirwa kukurukurwa nyaya dzakawanda dzinonzi dziri kuitika mubato iri.
Vane ruzivo ava vanoti musangano uyu uchakurukurawo zvakare nezvetsamba yakanyorerwa mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, nemutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, yekuvakurudzira kuti vasiye chigaro chavo.
Asi mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, varamba kuti nyaya yetsamba yaVaMangoma ichakurukurwa nezvayo.
VaMwonzora vanoti nyaya dzichakurukurwa dzinosanganisira kurongwa kwebato mugore rino ra2014 pamwe nenyaya dzehuwori huri kuitika mumakambani mazhinji ari pasi pehurumende.
Panyaya yetsamba yaVaMangoma, VaMwonzora vanoti nyaya iyi yakatokurukurwa ikapedzwa pamusangano wakaitwa svondo rapera.
VaMangoma vakave mumwe wevanhu mubato reMDC T vabuda pachena vachiti VaTsvangirai vasiye chigaro chavo.