Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvakawanda Zvinofira muMugodhi kuSouth Africa


APTOPIX South Africa Trapped Miners
APTOPIX South Africa Trapped Miners
Vanhu vanodarika makumi matatu, vazhinji vavo vari zvizvarwa zveZimbabwe, vari kufungidzirwa kuti vakafira mune mumwe mugodhi wegoridhe wanga usisashandiswe, muSouth Africa.

Zvinonzi vanhu ava vakapinda mumugodhi uyu vachiedza kuchera goridhe zviri kunze kwemutemo nemusi weChishanu wapfuura.

Zvinofungidzirwa kuti vanhu ava vakafa mushure mekufema mweya une muchetura, kana kuti carbon monoxide, mushure mekunge vapinda pasi mumugodhi weDurban Deep uri kuRoodeport kunze kweJohannesburg nemusi weChishanu.

Mutauriri weboka rinoona nezvekudzivirirwa kwenjodzi muSouth Africa, Emergency Management Services, mukanzuru yeJohannesburg, VaRobert Mlaudzi, vaudza Studio 7 kuti bazi ravo neChipiri manheru rakakwanisa kuburitsa panze mitumbi mishanu, varume vana nemudzimai mumwechete.

Asi VaMlaudzi vanoti boka ravo rakambosiyana nehurongwa hwekuburitsa mimwe mitumbi inonzi ichiri pasi nekuda kwekuwanda kwemweya une muchetura uyu.

Vanotiwo havana ruzivo rwekuti pane vakafira pasi pemugodhi uyu zvizvarwa zveZimbabwe zvingani sezvo vamwe vari kuchera goridhe zviri kunze kwemutemo vachibva munyika dzakapoteredza South Africa.

Zvinonzi zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kuzama zvoga kuburitsa mitumbi yehama dzazvo ichiri pasi, izvo zvinonzi zviri kuisa hupenyu hwevanhu vakawanda munjodzi.

Studio7 haina kukwanisa kubata vamiriri veZimbabwe muSouth Africa, kuti tinzwe kuti vari kubatsira seyi vanhu ava.

Asi zvinonzi vamwe vashandi vemuzinda uyu vamboshanyira mugodhi uyu neChitatu.

Masvondo maviri apfuura zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviviri zvakafira mune imwe tsaona yekudhirika kwemugodhi usisashande munyika iyi mushure mekupinda zvichichera ghoridhe zviri kunze kwemutemo.

Mumwe wevane hama dzavo dzakafirawo mutsaona iyi, uye vakambokwikwidza musarudzo kuGokwe-Kana vakamirira MDC T, Muzvare Sibongile Nkomo, vanoti danho rekuburitsa mitumbi kubva pasi riri kutora nguva ndefu nekuda kwekuoma kwemashandiro ari kuitika pasi.

Vachitaura vari pamugodhi uyu, Muzvare Nkomo vanoti vari pasi pemugodhi uyu vanga vagadzirira kuburitsa mimwe mitumbi ingangosvika gumi nemipfumbamwe.

Vanotiwo vanhu vakafira mumugodhi uyu vanobva kuGokwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG