Zvinhu munyika zvaita manyama amire nerongo zvichitevera nyaya yemhirizhonga yezvematongerwo enyika iyo yotangazve.
Gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa Amai Oppah Muchinguri kashiri vari kushora zvikuru nyika dziri kuda kurambidza Zimbabwe kutengesa nyanga dzenzou dziri mudura maro.
Mutongi wedare kwaMutare ramejastiriti kwaMutare VaPoterai Gwezhira vaburitsa muhusungwa nhengo gumi neshanu dzesangano revadzidzi reZimbabwe National Students Union dzakasungwa nemusi weMugovera dzichiita musangano kuPenhalonga.
Dare repamusoro ratanga kunzwa nyaya yekuti vanopikisa votenderwa kuratidzira here kana kuti kuti kwete.
Mutongi wedare repamusoro reHigh Court VaDavid Mangota nemusi weMuvhuro vapa mutongo wekuti muzvare Linda Masarara avo vange vari mujeri kuChikurubi kwemwedzi inoda kusvika mitatu vasunungurwe.
Retired Brigadier Agrippa Mutambara vebato rinopikisa reZimbabwe People First rinotungamirwa naAmai Joyce Mujuru avo vakarohwa zvakaipisisa paDunaventy Farm kuGuruve, Mashonaland Central province vanonzi ivo nevamwe vavo vashanu vaiswa mumaoko emapurisa kuchipatara chiri kuBindura uko vari kurapwa.
Dura renhoroondo yevatema muAmerica kana kuti National Museum of African American History and Culture riri kuvhurwa zviri pamutemo nemutungamiri wenyika VaBarack Obama nemusi weMugovera.
Mutungamiri weBotswana VaIan Khama Seretse Khama vakakurudzira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti vaende pamudyandigere nekuti kuramba vachitonga kuchapa kuti nyika iende kumawere.
Vari kukwikwidza musarudzo dze by-election kuNorton vakazvimirira VaTemba Mliswa vanoti vari kuronga kuendazve kumatare vachiti havasi kufara nezviri kuitwa neZimbabwe Electoral Commission nemapurisa zvekuramba vachivakanganisa kutsvaga rutsigiro murunyararo.
Nhengo yesangano reTajamuka yakaitwa kafiramberi muHarare VaSilvanos Mudzvova vanoti vave kutarisira kuti vanorapwa kunze kwenyika sezvo zvisiri kuzivikanwa kuti vakabayiwa jekiseni rainge riinei.
Bato rinopikisa reMovement for Democratic Change rinoti richaendesa kumatare nhengo dzeZanu-PF, mapurisa nevasori vanozivikanwa avo vavanoti vari kupamba kana kuita kafiramberi nhengo dzebato ravo.
Mutongi wedare repamusoro VaGeorge Chiweshe neMuvhuro vakambosendeka parutivi zvikumbiro zviviri zvakaendeswa kudare ravo zvekuti risendeke parutivi zvakatarwa neZimbabwe Republic Police zvekurambidza vanhu kuratidzira pakati peguta reHarare kusvika musi wa 27 Gunyana.
Vanhu vakawanda kusanganisa nhengo dzedare reparamende reMovement for Democratic Change vasungwa kana kurohwa nemapurisa mukuratidzira kwaitwa nhasi munzvimbo dzakawanda nemapato ezvematongerwo enyika ari pasi pemubatanidzwa unonzi National Electoral Reform Agenda kana kuti NERA.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai nemusi weChishanu vakarambidzwa kunoona vasungwa vezvematongerwo enyika vari mujeri reChikurubi Maximum Prison.
ZIMSTAT inoti mitengo yezvinhu yaderera nechikamu chimwe nezviga makumi mana nematatu kubva muzana kana kuti 1 ,43% pagore mumwedzi waNyamavhuvhu.
Zvinhu muhurumende hazvisina kumira zvakanaka zvapa kuti vakawanda vaone kunge rave bhasikiti raTizirai rekuti uku riri kurukwa uku riri kurudunhurwa.
Nyanzvi munyaya dzezvezvehupfumi dzichiri kuzeya mashoko egurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa ekuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi hazvina kumira zvakanaka uye vave kuda kugumura vamwe vashandi nekuwedzera mitero yavanobatirwa nehurumende.
Hurumende yeZimbabwe ichishanda nemasangano akaita se Aware Trust yapeta chirongwa chekubvisa nyanga dzezvipembere mumasango akachengetedzwa kana kuti maNational Parks.
Munyori mukuru wesangano reCatholic Bishop’s Conference of Zimbabwe Father Frederick Chiromba vanoti semakereke vari kushushikana zvikuru nemamiriro aita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika.
Dare reHigh Court nemusi weChipiri riri kutarisirwa kutura mutongo waro pane vanhu vanomwe kubva pavanhu makumi maviri nevapfumbamwe vakasungwa kuGlenview makore mashanu apfuura vachipomerwa mhosva yekuuraya mupurisa Inspector Petros Mutedza musi wa 29 Chivabvu 2011.
Rodhai zvimwe