Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yogunun'una neKurambidzwa Kutengesa Nyanga dzeNzou kuCITES


Gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa Amai Oppah Muchinguri kashiri vari kushora zvikuru nyika dziri kuda kurambidza Zimbabwe kutengesa nyanga dzenzou dziri mudura maro.

Amai Muchinguru-Kashiri vataura mashoko aya kumusangano weConvention on International Trade in Endangered Species of Wild Fauna and Flora kana kuti CITES uri kuitirwa kuJohannesburg, South Africa.

Nyika dzakaita seKenya, China neAmerica dzinoti nyanga dzenzou hadzifanire kutengeswa sezvo zvichizokonzera kuti vari kuvhima nzou zvisiri pamutemo varambe vachizviita. Kenya mwedzi yapfuura yakapisa nyanga dzenzou dzayo dzose.

Mukuru wesangano reU.S. Fish and Wildlife Service VaDan Ashe vanoti kuti nzou dzisapere dzose nyanga hadzifanire kutombotengeswa zvachose.

Asi gurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vanoti Zimbabwe ine nyanga dzenzou dzinopfuura mabhiriyoni mapfumbamwe mudura mayo uye inoda kuti dzitengeswe.

XS
SM
MD
LG