Nhengo yesangano reTajamuka yakaitwa kafiramberi muHarare VaSilvanos Mudzvova vanoti vave kutarisira kuti vanorapwa kunze kwenyika sezvo zvisiri kuzivikanwa kuti vakabayiwa jekiseni rainge riinei.
Vanoti vesangano reZimbabwe Doctors for Human Rights vakavakurudzira kuti vanotariswa navanamazvikokota vekunze sezvo pasina ari kuziva kuti vakabayiwa jekiseni reyi. Vati nyaya iyi iri kuvadya moyo nekuti havazive kuti hutano hwavo huchange hwakamira sei.
VaMudzvova vakapambwa nemusi weChipiri svondo rapera kumba kwavo nevanhu vatanhatu vanofungidzirwa kuti vasori vakatochwa pedyo neNharira Hills kuNorton. Vanhu vakapamba VaMudzvova vainge vakapakatira pfuti.
Pari zvino VaMudzvova avo vari kuchipatara cheAvenues Clinic muHarare vanoti vave kutyira hupenyu hwavo asi vachitiwo vakavhiyiwa neMuvhuro kugadzirisa matumbu avo ainge asina kumira zvakanaka kubva zvavakarohwa.