Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T VaMorgan Tsvangirai nemusi weChishanu vakarambidzwa kunoona vasungwa vezvematongerwo enyika vari mujeri reChikurubi Maximum Prison.
Magadhijeri anonzi akaudza VaTsvangirai nehumwe hutungamiri hwebato ravo kusanganisa mumwe wevatevedzeri vavo VaNelson Chamisa, nhengo dzedare reparamende nevamwe kuti vanopinda mujeri iri chete kana vapihwa tsamba nevakuru vakuru vehurumende.
Studio 7 haina kukwanisa kubata mutauriri weZimbabwe Prison Services kuti tinzwe divi ravo.
VaChamisa vati zvaitwa nevanochengetedza majeri kutyora bumbiro remutemo.
Mutauriri webato reMDC-T VaObert Gutu mumashoko avo kuvatori venhau vashora zvikuru zvaitwa neveZPCS.
Vati VaTsvangirai vaburitsa chitupa chavo kuti vakwanise kupinda kunoona vasungwa asi vemajeri vatsika madziro.
Vati zvaitwa nevemajeri zvange zvakanangana nekuda kungoshungurudza nekunyadzisa VaTsvangirai asi vakati izvi hazvishande. VaGutu vakurudzira mukuru wemajeri Retired Major General Paradzai Zimhondi kuti vaongorore nyaya iyi.