Accessibility links

Breaking News

Dare Rotanga Kunzwa Nyaya yeMapurisa yeKurambidza Vanhu Kuratidzira


VaTendai Biti naVaDzimbabwe Chibga panze pedare reHigh Court
VaTendai Biti naVaDzimbabwe Chibga panze pedare reHigh Court

Dare repamusoro muHarare ratanga kunzwa nyaya yekuti vanopikisa votenderwa kuratidzira here kana kuti kuti kwete.

Asi nyaya iyi yave kutarisirwa kuenderera mberi nemusi weChitatu. Mapurisa akarambidza vanhu kuratidzira pakati peguta reHarare asi vanopikisa vanoti uku kutyora bumbiro remutemo idzva.

Gweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaDzimbambwe Chimbga vari kumirira mapato anopikisa nemasangano akazvimirira vanoti vanofunga kuti dare richatura mutongo waro nemusi weChishanu.

Mapurisa anoti ane humbowo hwekuti pane vanhu vari kuda kuratidzira vachishandisa mhirizhonga nekudaro ndokusaka vari kuyedza kurambidza vanhu kuratidzira.

Asi vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vanoti mapurisa ari kuita zvinhu zvisi pamutemo sezvo iri kodzero yevanhu kuratidzira kana vasiri kufara.

Hurukuro naVaDzimbabwe Chimbga
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG