Dare repamusoro muHarare ratanga kunzwa nyaya yekuti vanopikisa votenderwa kuratidzira here kana kuti kuti kwete.
Asi nyaya iyi yave kutarisirwa kuenderera mberi nemusi weChitatu. Mapurisa akarambidza vanhu kuratidzira pakati peguta reHarare asi vanopikisa vanoti uku kutyora bumbiro remutemo idzva.
Gweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaDzimbambwe Chimbga vari kumirira mapato anopikisa nemasangano akazvimirira vanoti vanofunga kuti dare richatura mutongo waro nemusi weChishanu.
Mapurisa anoti ane humbowo hwekuti pane vanhu vari kuda kuratidzira vachishandisa mhirizhonga nekudaro ndokusaka vari kuyedza kurambidza vanhu kuratidzira.
Asi vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vanoti mapurisa ari kuita zvinhu zvisi pamutemo sezvo iri kodzero yevanhu kuratidzira kana vasiri kufara.