Bato rinopikisa reMovement for Democratic Change rinoti richaendesa kumatare nhengo dzeZanu-PF, mapurisa nevasori vanozivikanwa avo vavanoti vari kupamba kana kuita kafiramberi nhengo dzebato ravo.
Izvi zvinotevera kuratidzira kwakaitwa munyika yose neMugovera pasi pemubatanidzwa wemapato anopikisa uri kukurudzira kuvandudzwa kwemitemo yesarudzo weNational Electoral Reform Agenda kana kuti NERA.
Mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T, VaNelson Chamisa vanoti vanhu vakasungwa vakarohwa zvakaipisisa uye nekuona kuti matare aizobvunzisisa nezvenyaya mapurisa akabva atanga kuregera vamwe vacho neSvondo neMuvhuro vasati vaenda kumatare.
VaChamisa vati vashanyira vanhu ava vakawanda vakaona vakakuvara zvekuti vakawanda vaenda kuzvipatara.
Vamwe vataura neStudio 7 vanoti vakakuvara mushure mekurohwa vachinzi sei vainge varatidzira. Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa Chief Superintendent Paul Nyathi sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.
Kwamutare nyaya yekuti nhengo yedare reparamende yeMDC-T inomirira Mutasa Central VaTrevor Saruwaka vopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso here kana kuti kwete ichanzwikwa neChipiri.
VaSaruwaka vakasungwa neMugovera vachinzi vaironga kuratidzira zvisiri pamutemo. Vamwe vakasungwa neMugovera muHarare vanosvika makumi maviri nevasere vakamiswa pamberi pedare neMuvhuro.
Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti vari kuronga kuendesa kumatare vanhu vose vanozivikanwa vakarova nhengo dzebato ravo dzairatidzira murunyararo.
Zvichakadaro mune imwe nyaya, mutongi wedare ramejastiriti kuMbare audza magadhjeri e Zimbabwe Prisons and Correctional Services kuti asiye tsika yekuunza muzvare Linda Masarira vakasungwa maoko nemakumbo sezvo uku kuri kutyora kodzero dzavo. Muzvare Masararira nevamwe vavo vakasungwa muna Chikunguru vachipomerwa mhosva yekukanganisa vanhu kuzvifambira apo vairatidzira.
Vakasunungurwa vanosanganisa VaPride Mukono, VaTinotenda Mhungu nevamwe gumi nevasere vange vari muhusungwa kubva mwedzi wapera vanzi ne dare varipe magwaro avo ekufambisa uye kuenda kunozvipira kumapurisa e Harare Central Police Law and Order kamwe chete pamavhiki maviri.
Vanzi vasataure nevanhu vanenge vachiratidzira. Vamwe vanhu makumi matanhatu nemapfumbamwe vanyima mukana wekubvisa mari yechibatiso vachinzi vadzoke kudare musi wa 3 Gumiguru.
Asi vati vachaenda kudare repamusoro kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.
KuBulawayo dare ratenderana negweta VaLizwe Jamela kuti vanhu havafanire kungosungwa kuti vataura kuti “Mugabe” kana kuti “Grace” sezviri kuitwa nemapurisa sezvo zvichityora bumbiro remutemo.
Asi VaKindness Paradza nhengo yeZanu-PF vaudza Studio 7 kuti vanhu vari kuratidzira vanoda kubvisa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe pachigaro nechisimba.