Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopeta Chirongwa Chekubvisa Nyanga dzeZvipembere


(Mifananidzo kubva kuAware Trust Zimbabwe)
(Mifananidzo kubva kuAware Trust Zimbabwe)

Hurumende yeZimbabwe ichishanda nemasangano akaita se Aware Trust Zimbabwe yapeta chirongwa chekubvisa nyanga dzezvipembere mumasango akachengetedzwa kana kuti maNational Parks.

Kune zvipembere zvinosvika mazana matanhatu zvinochengetwa nevanhuwo zvawo uye zviri kwavari kuti vanoda kuti zvibviswe nyanga here kana kuti kwete.

Mukuru wesangano reAware Trust Zimbabwe Dr Lisa Marabini vaudza Studio 7 kuti chinangwa chavo ndechekuti vanhu vanovhima zvipembere zvisiri pamutemo vamire kuita izvi.

Zvipembere zvabviswa nyanga zviri kunzvimbo dzakaita seChivero, Chipinge uye Matopos National Parks. Zimbabwe inonzi ine zvipembere zvinodarika mazana manomwe.

Dr Marabini vati zviri kubviswa nyanga zvipembere zviri mumasango akachengetedzwa nehurumende chete. Vati mutemo wehurumende unopa vanochengetedza mhuka masimba ekupfuura vavhimi vanenge vasina mvumo.

Rhino
Rhino

Dr marabini vatiwo zvinoda mari iri pakati pemadhora masere nechiuru chemadhora nemazana maviri kubvisa nyanga yechipembere.

Asi mukuru weZimbabwe Conservation Taskforce VaJohnny Rodriguez vanoti kubvisa nyanga hakunyanye kubatsira hako kuti zvipembere zvisaurayiwe. Vati vamwe vavhimi ava vanongoramba vachizviuraya chete.

Ko nyanga dzabviswa dzinoendeswa kupi? Dr Marabini vanoti dzinochengetwa nehurumende mudura rayo

Gore rapera kwakaurayiwa zvipembere makumi mashanu muZimbabwe uye zvipembere zvave zvishoma zvikuru uye zvave pamhuka dzinochengetedzwa zvakanyanya. Kutengesa nyanga dzezvipembere kwakarambidzwa muna 1977.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


XS
SM
MD
LG