Accessibility links

Breaking News

ZIMSTAT Inoti Mitengo yeZvinhu Yoderera Zvekare


Sangano reZimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZIMSTAT rakazivisa nemusi weChina kuti mitengo yezvinhu-inflation yaderera nechikamu chimwe nezviga makumi mana nematatu kubva muzana kana kuti 1 ,43% pagore mumwedzi waNyamavhuvhu mushure mekudzikazve nechikamu chimwe nezviga makumi matanhatu kubva muzana kana kuti 1, 60% muna chikumi.

Pachitariswa mwedzi nemwedzi, mitengo yezvinhu yaderera nezvikamu zviga negumi nenhatu kana kuti 0,13% mushure mekudonhazve nezviga gumi nepfumbamwe kana kuti 0,19%.

Vanotungamira kambani yePeakford Management VaAlbert Mandizvidza vanoti hurumende inofanira kusunga dzisimbe panyaya yekugadzirisa hupfumi.

Vati vanhu vakawanda havasi kutambiriswa mari kumabasa zvopa kuti pashaye anotenga zvinhumuzvitoro izvo zvopa kuti mitengo ideredzwe nevemabhizimisi.

XS
SM
MD
LG