Mutongi wedare repamusoro VaGeorge Chiweshe neMuvhuro vakambosendeka parutivi zvikumbiro zviviri zvakaendeswa kudare ravo zvekuti risendeke parutivi zvakatarwa neZimbabwe Republic Police zvekurambidza vanhu kuratidzira pakati peguta reHarare kusvika musi wa 27 Gunyana.
Chimwe chikumbiro ndechekuti mutemo uyu ubviswe zvachose sezvo uchinzi unotyora bumbiro remutemo.
Zvikumbiro izvi zvakaiswa kudare neChishanu nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights kana kuti ZLHR VaTendai Biti naVaDzimbabwe Chimbga vakamirira chechi yeZimbabwe Devine Destiny, bato rinopikisa reDare, National Electoral Reform Agenda (NERA), Combined Harare Residents Association (CHRA) uye VaStendrick Zvorwadza vanorwira kodzero dzevanhu.
VaChiweshe vakati vanhu vakakwidza kudare nyaya iyi nevachuchusi vehurumende vanofanira kuti vaunze zvikonzero zvekutsigira kana kuramba kutambira zvakatarwa nemapurisa.
Magwaro aya anofanira kuturwa kudare musi wa21 Gunayana. Nyaya ichatanga kunzwikwa musi wa 23 Gunyana uye pozopihwa mutongo musi wa30 Gunyana.
ZLHR inoti zvakataurwa nemukuru wemapurisa muHarare, Chief Superintendent Newbert Saunyama kutyora bumbiro remutemo. Imwe nyaya yakaturwa neZLHR ichanzwikwa nemutongi Amai Priscilla Chigumba.
Nyaya iyi ichanzwikwa musi wa 7 Gunyana apo dare richatonga kuti chikamu che Section 1 101A cha2016 chakashandiswa nehurumendende pakurambidza vanhu kuratidzira chibviswe zvachose here kana kuti choregwa chiripo.