Zvinhu muhurumende hazvisina kumira zvakanaka zvapa kuti vakawanda vaone kunge rave bhasikiti raTizirai rekuti uku riri kurukwa uku riri kurudunhurwa.
Svondo rapera, gurukota rinoona nezvehupfumi VaPatrick Chinamasa vakazivisa kuti hurumende yainge yaronga kugumura vashandi vayo basa, kuvabvisira mabhonasi uye kuwedzera mari dzemitero dzavanotambira.
Asi nemusi weChipiri, gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaChristopher Mushowe vainge voimba rumwe rwiyo vachiti VaChinamasa vainge vaita fungira mumoyo rwendo rwemba vachitaura zvakange zvisina kuwiriranwa mudare remakurukota.
VaMushowe vakati zvose zvainge zvataurwa naVaChinamasa hazvimiririre hurumende.
Asi aka hakasi kekutanga VaChinamasa vachisiiwa pamhene mushure mekuti vashandi vehurumende havaizopihwa mari yebhonasi. Gore rapera vakambodaro asi vakazorova nhendeshure mushure mekunge mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vati vaifanira kupa vashandi mari dzebhonasi.
Mashoko aVaMushowe ari kuuya apo masangano evashandi vehurumende azivisa kuti aizogona kuramwa mabasa kana nhengo dzavo dzikanyimwa mari dzemabhonasi nekugurirwa mari dzemihoro.
Nyaya yekuvharwa kwemakambani yapa kuti VaChinamasa vatatarike kubhadhara mari dzevashandi vehurumende sezvo kusina mari dzemitero dzakawanda dziri kubhadharwa.
Chimwe chanetsawo inyaya yevechidiki veZanu-PF vari mumatunhu ose vanosvika zviuru gumi vanonzi vari kungopihwa mari vachiswera havo vachipura nyemba nemusana.
Nyanzvi munya dzezvehupfumi dzinotiwo nyaya yekutonga nedemo nehuori ndizvo zvimwe zvapawo kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo.