Drare repamusoro reHigh Court nemusi weMuvhuro rakati richanzwa nemusi weChitatu nyaya yekurambidzwa kwevanhu kuratidzira pakati peguta reHarare nemapurisa.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasvika munyika nhasi vakashora zvikuru vanhu vange vachifambisa shoko rekuti vakashaya kana kuti varwara zvakaipisisa.
Mutongi wedare raMejastiriti muHarare VaTendai Mahwe vakapa mukana wekubvisa mari yechibatiso kune vanhu gumi asi vakanyima mukana uyu kune vamwe makumi matanhatu nemasere.
Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights nemamwe magweta anorwira kodzero dzevanhu vopikisa mutemo wekurambidza vanhu kuratidzira muguta reHarare.
Nemusi weChishanu zuva rakamboti woreyi zvishoma kana kuti eclipse zvakaonekwa muZimbabwe nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzinoti Tanzania neReunion island.
Hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende nemusi weChina yakadzika mutongo wekuti vanhu vambomira kuratidzira kwemavhiki maviri kana kuti Prohibition Order ichiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.
Zimbabwe inonzi iri kuronga kubvisa nyanga dzezvipembere mazana manomwe senzira yekumisa vanhu vari kuuya kuzozvivhima zvisiri pamutemo.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanonzi neChipiri vakabva kumusangano weSADC Summit kuSwaziland vachienda kuDubai.
Vanhu vanodarika gumi nevaviri vakasungwa musi weChitatu neChishanu pakaratidzira vanopikisa muHarare vamiswa zvekare pamberi pedare vamwe vavo vakakuvara zvakaipisisa vachiti vakarohwa vari muhusungwa.
Kunyangwe hazvo hurumende iri kuti kuratidzira kuri kuitwa munyika kupedzera hoko padehwe retsindi, zvinhu munyaya dzezvehupfumi zviri kuratidza kuti zvichatoenda kumawere sezvo nyika dzingabatsire Zimbabwe mumadhaka mairi dziri kuratidza kuti dzave kufunga kaviri.
Vatungamiri venyika dzemuSADC vatanga kusangana muSwaziland pamusangano weSummit kuSwaziland.
Amnesty International nemusi weMuvhuro yakakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti isimbaradze kutsvaga VaItai Dzamara murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa musi wa9 Kurume gore rapera kuGlen View muHarar
Vanhu vanodarika makumi masere vari mumatirongo akasiyana siyana mushure mekunge mutongi wedare ramejastiriti VaVakayi Chikwekwe varamba kuvapa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Mutauriri wesangano reTajamuka VaPromise Mkwananzi vakamiswa pamberi pedare remejastiriti vakanzi vazodzoke kudare nemusi weMuvhuro.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute Dr Pedzisayi Ruhanya vanoti hurumende ikasagadzirisa matambudziko akatarisana nevanhu munyaya dzezvehupfumi nyika ichaguma yasvika kumazivandadzoka.
Muguta reHarare makaita bongozozo nemusi weChishanu zvichitevera kurwisana pakati pevemapato anopikisa nemapurisa. Vanhu vakawanda vanonzi vakakuvara vamwe vakasungwa.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeSierra Leone, Dr Victor Bockarie Foh vovhura harare agriculture show mushure mekunge mutungamiri wenyika iyi aDr Ernest Bai Koroma vatadza kuuya sezvange zvamboziviswa neZimbabwe.
Vanasorojena vesangano rino zivikanwa nekuti The Elders vokurudzira vatungamiri venyika dzemuSADC kuti vabatsire Zimbabwe isati yaenda kumawere.
Mukuru wesangano regirl child network muzvare Betty Makoni vanoti vane humbowo hwekuti mudzimai wechidiki ari kupomerwa Prophet Magaya mhosva yekuvabata chibharo ave kutyisidzirwa.
Munyori mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaJoey Bimha vaudza Studio 7 kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe havana kuenda kuGhana nenyaya yekuti vane dzimwe nzendo dzavari kufanira kuenda.
Rodhai zvimwe