Vanhu vanodarika makumi masere vari mumatirongo akasiyana siyana muHarare mushure mekunge mutongi wedare ramejastiriti VaVakayi Chikwekwe varamba kuvapa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Nhepfenyuro yeSouth African Broacasting Corporation Inoti yakataura nemamwe mauto nemapurisa ayo akati kana naiwo vaneta nekudaro vachapindira vachitsigira vanhu vari kuratidzira.
Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvekudzivirirwa kwenyiojka VaSydney Sekerami avo vasina kudaira nharembozha yavo.
Mauto anonzi neSABC haasi kufara nekurohwa kuri kuitwa vanhu nemapurisa uye anonzi ari kutiwo anetawo nenyaya dzehuori muhurumende nekusatambiriswa mari.
Amai Kerina Dewa vanova mutevedzeri wasachigaro webato reMDC-T mudunhu reHarare vane makore makumi matanhatu nerimwe vakapambwa kumba kwavo nevanhu vainge vakapakatira zvombo kuGlen View vamiswa pamberi pedare nhasi vakanzi vadzokezve kare kudare neMuvhuro. Vamiswawo nedzimwe nhengo dzeMDC-T dzakasungwa kubva neChishanu.
KuGwanda, Matabeleland South neMugovera, VaKukhanyakwenkosi Mkandla avo vakaremara vakaburitswa muhusungwa mushure mekunge gweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights VaLizwe Jamela vapindira.
VaMkandla vaifamba mumugwagwa vakatakura chipepa chekukurudzira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuti vasiye basa.
Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights kana rinoti vanhu vakasungwa ava vose vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga pasi pemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act.
Vakawanda vevanhu ava vanonzi vakangobatwa mumambure emapurisa apo muHarare makaita mhirizhonnga nemusi weChishanu mushure mekunge mapato anopikisa ayedza kuratidzira munyika achiti anoda kuti mitemo yesarudzo ivandudzwe.
Asi kunyangwe vanopikisa ava vainge vapihwa mvumo yekuratidzira nedare repamusoro, mapurisa anonzi akabva atanga kurova vanhu nekukanda hutsi hunokachidza zvakapa kuti pabva patanga kuita mhirizhonga.
Vamwe vari muhusungwa vanosanganisa vakwegura uye vana vechidiki vasati vabve zera vaviri avo vakazoburitswa mutirongo vachiendeswa mumaoko emagweta avo.
Asi kunyangwe hazvo vanhu vari kuramba vachisungwa, vanhu vakawanda vari kuramba vachienderera mberi nekuratidzira.
Zvinhu muZimbabwe hazvina kumira zvakanaka zvichikonzerwa nemamiriro ezvehupfumi ayo aenda kumawere. Nyaya yehuori inonzi nevakawanda iri kuvaodzawo moyo sezvo vanonzi vari kuita zvehuori muhurumende vasiri kusungwa.
Asi hurumende iri kuramba kurti zvinhu munyika hazvina kugadzikana nekusamira zvakanaka kwehupfumi ichiti zviri kukonzerwa nevanopikisa vari kufurirwa nenyika dzekumawirira.