Accessibility links

Breaking News

Mutevedzeri weMutungamiri weSierra Leone Okundikana Kuuya Kuzovhura Harare Agriculture Show


Mutungamiri weSierra Leone Dr Bai Koroma
Mutungamiri weSierra Leone Dr Bai Koroma

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeSierra Leone, Dr Victor Bockarie Foh nemusi weChina vakavhura Harare Agriculture Show zviri pamutemo mushure mekunge mutungamiri wenyika iyi aDr Ernest Bai Koroma vakundikana kuuya sezvange zvamboziviswa neZimbabwe.

Dr Foh vavhura musika wezviratidzirwa zvekurima uyu vachiperekedzwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeSierra Leone ati anoda kusimbaradza hukama pakati penyika mbiri idzi uye arumbidza VaMugabe semutungamiri akashinga zvikuru mukurwira nyika yake.

VaMugabe vakati vakafadzwa nezvirimwa zvavaona pamusika wegore rino uyu. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition VaJoy Mabenge vanoti kusauya kwaVaKoroma kunoodza moyo.

Vati Harare Agriculture Show inokosheswa zvakanyanya neZimbabwe nekudaro inoda chiremera chevatungamiri vedzimwe nyika kwete vatevedzeri vavo.

Hapana chikonzero chakati tsvikiti chakapihwa kuti sei VaKoroma vasina kuuya kuZimbabwe.

Asi muna Chikumi VaKoroma vakauya kuZimbabwe vakaita musangano naVaMugabe wakanangana nekukurudzira kuti sangano reUnited Nations Security Council rivandudzwe kuti rive nenyika mbiri dzemuAfrica.

VaKoroma ndivo sachigaro weAfrican Union Committee of Ten iyo yakanzi neAfrica Union itungamire kukurudzira kuvandudzwa kweUnited Nations uku. Parizvino UN ine nyika shanu dzakabudirira dziri muSecurity Council dzinoti, China, Russia, America, France neBritain.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG