Muguta reHarare makaita bongozozo nemusi weChishanu zvichitevera kurwisana pakati pevemapato anopikisa nemapurisa. Vanhu vakawanda vanonzi vakakuvara vamwe vakasungwa.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vakasimuka munyika vakananga kuKenya kumusangano weTokyo International Conference on African Development kana kuti TICAD vakasiya vati vanhu vairatidzira ava vainge vatumwa nenyika dzekumawirira dziri kuda kuti munyika musagadzikane. VaMugabe vakayambira kuti hurumende yavo haisi kuzopidigurwa sezvakitika kunyika dzeakaita seEgypt, Libya neTunisia.
Asi mapato gumi nemasere anopikisa akaronga kuratidzira uku anoti chinangwa chavo chaiva chekukurudzira hurumende kuti ivandudze mitemo yesarudzo. Mapato aya ari mumubatanidzwa unonzi National Electoral Reform Agenda kana kuti NERA.
Kunyangwe hazvo dare rainge rapa vanopikisa ava mvumo yekuratidzira, mapurisa anonzi haana kana kuapa mukana wekuungana sezvo vakabva vatanga kuvarova nemboma, nekuvakandira hutsi hunokachidza. Izvi
Gweta reZimbabwe People First, VaGift Nyandoro vanoti vachadzokera kumatare zvakare pamusoro pezvakaitwa nemapurisa.
Mutevedzeri wemutungamiri weMDCT, VaNelson Chamisa pamwe nemunyori mukuru mubato iri VaDouglas Mwonzora vakamboedza kutaura nemapurisa asi havana kuteererwa.
Dhorobha rose rakaswera riri bararamhanya mapurisa achiita hwakiti nagonzo nevaratidziri avo vanonzi vainge vachipwanyawo zvimwe zvitoro pamwe nekupisa matende anotengeserwa zvinhu pamusika weCopaCabana.
Mahwindo eMuzinda weNigeria nemahofisi eZimbabwe Electoral Commision akaputswawo nevanhu vairatidzira ava. .
Mutauriri weMDCT, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 kuti nyaya yekuchengetedzeka kwevanhu munyika yave kufanirwa kuzeyewa nesangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSADC.