Accessibility links

Breaking News

Kutyorwa kweKodzero dzeVanhu Kwopa Kuti Zimbabwe Inetsane neAmerica, France neDzimwe Nyika


Vanhu vokandirwa huti hunokatyidza muHarare
Vanhu vokandirwa huti hunokatyidza muHarare

Kunyangwe hazvo hurumende iri kuti kuratidzira kuri kuitwa munyika kupedzera hoko padehwe retsindi, zvinhu munyaya dzezvehupfumi zviri kuratidza kuti zvichatoenda kumawere sezvo nyika dzingabatsire Zimbabwe mumadhaka mairi dziri kuratidza kuti dzave kufunga kaviri.

Kuhurumende yeZanu-PF, mudzimu wakupa ronda wati nhunzi dzikudye. Apo hurumende yange yoswedera pedyo nekunyorerana chibvumirano nenyika dzakabudirira kuti ibhadhare mari yemutero pazvikwereti kana kuti maarrears, munyika mabva matanga kuita kusagadzikana nekuratidzira.

Zimbabwe iri kuda mari inosvika bhiriyoni imwe chete yakawedzerwa pazvikwereti zvayo kuti itange kukwereteswa mari.

Pane kugadzirisa chapa kuti musoro uteme, hurumende irikupomerwa mhosva yekutumira mapurisa kunorova vanhu izvo zvasiya vanopa mari ava vasina mate mukanwa.

Nyika dzinofanira kunge dzichibatsira dzakaita seAmerica, Britain, France dzinoti hadzisi kufara nekutyorwa kwekodzero dzevanhu nehurumende dzichiti kudyidzana neZimbabwe kunouya chete kana yarega kutonga nedemo.

Asi pane kuti hurumende itaure nenyika idzi inonzi iri kutodya magaka mambishi ichiti nyika dzakaita seAmerica neFrance ndidzo dziri kuita zvaana tinhai dzirwe dzichipesvedzera vanhu kuti varatidzire.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanoti havashamiswe nedanho rotorwa nenyika dzekunze rekuramba kubatsira Zimbabwe nechikwereti.

Chimwe chiri kunetsa panyaya yekusagadzikana kuri munyika inyaya yekuti vekunze vanoda kutanga mabhizimisi havauye kana munyika musina kugadzikana. Mutevedzeri wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe VaCallisto Jokonya vanoti kusagadzikana kuri munyika hakuna kunaka.

Nyaya yeZimbabwe inengewo yave yekuti mwana atsva dumbu mai vatsva musana. South Africa yakakwidzawo nyaya yekunetsana kwayo neZimbabwe kuSADC zvichitevera kudzikwa kwemutemo weStatutory Instrument 164 wa 2016.

Mutemo uyu unorambidza kupinda munyika kwezvinhu zvakawanda zvinotengwa kuSouth Africa. Gurukota rinoona nezvemabhizimisi VaMike Bimha vanoti vakadzika mutemo uyu kuti vadzivirire mabhizimisi emunyika.

Asi South Africa inoti uku kutyora zvibvumirano zveSADC neComesa zvinoita kuti nyika dzitengeserane pasina zvimhingamupinyi. Vaimbova gurukota rezvehupfumi vari mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party VaTenda Biti vanoti statutory instrument iyi kupedza nguva kuteya nzou neriva.

Musangano pakati peZimbabwe nebhodhi reIMF waifanira kuitwa mwedzi unouya asi zvinenge zvakona n’anga murapwa achida. Vamwe vakuru kuIMF vanoti vakagara vazviona kuti Zimbabwe yainge iri kuremerwa nekuruka zano rekubhadhara zvikwereti zvayo.

Izvi zvave kureva kuti nzara yapfunya chisero munyika ichatowedzera sezvo Zimbabwe isina kumwe kwekuwana mari yekutanga kana kusimbaradza mabhizimisi ari kushanda asi asina mari.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG