WASHINGTON —
Nemusi weChishanu zuva rakamboti woreyi zvishoma kana kuti eclipse zvakaonekwa muZimbabwe nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzinoti Tanzania neReunion island.
Izvi zvaitika kwemaminetsi gumi mangwanani. Zvinonziwo izvi zvichaitikazve musi wa 26 Kukadzi gore rinouya.
Nyanzvi munyaya dzemamiriro ekunze dzinoti izvi zvinokonzerwa nekunge mwedzi wavhara zuva.