Dare repamusoro reHigh Court nemusi weMuvhuro rakati richanzwa nemusi weChitatu nyaya yekurambidzwa kwevanhu kuratidzira pakati peguta reHarare nemapurisa.
Nyaya iyi yange ichinzwikwa nemutongi Justice Priscilla Chigumba avo vati vanoda kuti magweta ari kupikisa nevachuchusi vehurumende vature kudare ravo magwaro egakava ravo kana kuti heads of argument.
NeChina mapurisa akaisa mutemo unoshanda kwechinguva chishoma unonzi “Prohibition Order” wekurambidza kuratidzira muguta kwemavhiki maviri.
Kurambidzwa kwekuratidzira kwakaturwa mubepa rehurumende kana kuti Government Gazette kuburikidza ne Statutory Instrument 101 (a) yakaturwawo nechimbichimbi.
Kuratidzira muguta kuri kurambidzwa kubva musi wa 2 Gunyana kusvika musi wa 16 Gunyana. Izvi zvakaitwa pasi pemutemo wePublic Order and Security Act kana kuti POSA.
Asi sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights kana kuti ZLHR nemamwe magweta vachiti mapurisa ari kutyora kodzero dzevanhu. Vamwe vari kupikisa mutemo uyu vanosanganisa ve
National Electoral Reform Agenda (NERA), veDemocratic Restoration Assembly (DARE), Mugari wemuHarare VaStendrick Zvorwadza, Combined Harare Residents Association (CHRA) nevamwe
Asi kunyangwe hazvo paine nyaya yakadai mumatare emuHarare, mapurisa emuBulawayo arambidzawo bato rePDP kuita musangano mguta iri nemusi weSvondo kuWhite City Stadium.
Mapurisa ati ane humbowo hwekuti pane vanhu vari kuda kutanga hondo vachipisa zvivakwa zvehurumende akaita semakamba emapurisa, mahofisi eZIMRA nezvimwe.
Mukuru webato rinopikisa rePDP VaTendai Biti avo vakaenda kudare neZLHR vanoti vatoendesa mapepa anzi ari kudiwa nedare uye vari kutarisira kuti vachuchusi vaendese mapepa avo nemusi weChipiri.
Zvichakadaro vamwe vechidiki vesangano reTajamuka vakamboratidzira muHarare vachiti havasi kutambira nyaya yekurambidzwa kwevanhu kuratidzira iyi.
VeTajamuka vaita izvi kunyangwe hazvo muguta mange makazara mapurisa anodzivirira mvonga mupopoto. Sachigaro wesangano reVendors Union Zimbabwe VaStan Zvorwadza vanoti kunyangwe muguta mange makazara mapurisa havana kukanganisa kuratidzira kwavo.