Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau VaJames Jemwa Voburitswa muHusungwa, Asi Vakawanda vanoramba Vari muHusungwa


Mutongi wedare raMejastiriti muHarare VaTendai Mahwe nemusi weChishanu vakapa mukana wekubvisa mari yechibatiso kune vanhu gumi asi vakanyima mukana uyu kune vamwe makumi matanhatu nemasere.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights kana kuti ZLHR rinoti vakasunungurwa vanosanganisa mutori wenhau James Jemwa avo vanzi vabhadhare mari inosvika madhora makumi mashanu mushure mekusungwa vachiratidzira muHarare svondo rapera.

Mune imwe nyaya, mutongi wedare ramejastiriri kuMbare, VaStan Mambanje vakanyima mukana wekubvisa mari yechibatiso kuna VaPride Mukono, VaMakomborero Haruzivishe naVaMehluli Dube.

Zvichakadaro, sangano reZLHR rinoti dare iri harina kuzonwa nyaya yaMuzvare Linda Masarira avo vave nemavhiki akawanda vari mujeri.

Dare rati rakawandirwa nenyaya uye nyaya iyi ichanzwikwa musi wa 6 Gunyana.

XS
SM
MD
LG