Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yodzika Mutemo weKurambidza Vanhu Kuratidzira kweMavhiki Maviri


Hofisi yemuchuchusi mukuru wehurumende nemusi weChina yakadzika mutongo wekuti vanhu vambomira kuratidzira kwemavhiki maviri kana kuti Prohibition Order ichiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Izvi zvapa kuti kuratidzira kwange kwakarongwa neChishanu nemapato anopikisa gumi nemasere ari pasi pemubatanidzwa weNational Electoral Reform Agenda kana kuti NERA kusundirwe mberi. Masangano aya anoti anoda kuti mitemo yesarudzo ivandudzwe.

Munyori mukuru mubato reMDC vachiona nezvemutemo musanga reNERA VaDouglas Mwonzora vatenda kuti vaudzwa nemuchuchusi mukuru wehurumende VaPrince Machaya kuti kuratidzira kwambomiswa.

"Attorney General wenyika ino waisa order inonzi Prohibition Order yekurambidza mademonstrations for two weeks. Saka isusu sebato rinotevedzera mutemo hatichaita demonstration yedu mangwana (Chishanu), takuita demonstration yedu musi wa 16 September.” Vakadaro VaMwonzora.

Kurambidzwa kwekuratidzira kwakaturwa mubepa rehurumende kana kuti Government Gazette nemusi weChina kuburikidza ne Statutory Instrument 101 (A) iro rakaturwa nechimbichimbi.

Kuratidzirwa kuri kurambidzwa kubva musi wa 2 Gumiguru kusvika musi wa 16 Gumiguru.

Izvi zvinotevera chikumbiro chakaitwa naChief Superintendent Newbert Saunyama mukuru wemapurisa muHarare. Izvi zvaitwa pasi pemutemo wePublic Order and Security Act. Mapurisa anotiwo ambomisa kwemwedzi mitatu kutakurwa kwezvinhu zvavanofunga kuti zvingangoshandiswa mumhirizhonga.

Hatina kukwanisa kubata VaMachaya kuti tinzwe divi ravo kanawo gurukota rezvemukati menyika Dr Ignatious Chombo sezvo vange vasingadaire nharembozha dzavo.

Asi mumiriri weHighfield West mudare reparamende VaPyschology Mazivisa vati vari kufara nedanho ratorwa nemuchuchusi mukuru wehurumende.

VaMazivisa vati vanopikisa vange vachida kukonzera nyonga nyonga munyika. Asi VaMwonzora vati mapurisa nevebato reZanu-PF ndivo vari kukonzera mhirizhonga.

Zvichakadaro, mapurisa ange anyorawo tsamba kune veNERA achiti ainge asingadi kuti varatidzire muguta reHarare achivakurudzira kuti vangoendese tsamba yenyunyuto panyaya yesarudzo kumahofi eZimbabwe Electoral Commission.

Chief Superintendent Saunyama vakatiwo vemapato aya vainge vasinawo kuuya kumusangano wavainge vavakoka nemusi weChina.

Amai Marceline Chikasha vanotungamira bato rinopikisa reAfrican Democratic Party vanove nhengo yeNERA vati zvakakosha kuti madzimai apinde muzvirongwa zveNERA kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

XS
SM
MD
LG