Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Inoti Zimbabwe Ngaisimbaradze Kutsvaga VaDzamara


Amai Sheffra Dzamara, mudzimai Itai Dzamara nemwana wavo.
Amai Sheffra Dzamara, mudzimai Itai Dzamara nemwana wavo.

Amnesty International nemusi weMuvhuro yakakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti isimbaradze kutsvaga VaItai Dzamara murwiri wekodzero dzevanhu akapambwa musi wa9 Kurume gore rapera kuGlen View muHarare.

Musi wa 29 Nyamavhuvhu izuva rekurangarira vanhu vakapambwa kana kuti International Day of The Disappeared.

Mutevedzeri wemukuru weAmnesty International Tjiurimo Hengari vati kushaikwa kwaVaDzamara chinhu chinovhundutsa zvikuru vanhu vanorwira kodzero dzevanhu munyika yeZimbabwe.

Amnesty International yati hurumende inofanira kutsvaga chokwadi youdza mhuri yekwaDzamara zvakaitika.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakamboudza dare reparamende kuti hurumende iri kutsvaga VaDzamara asi haina humbo hwekuti vakatorwa nani.

Mukoma waVaItai Dzamara, Dr Patson Dzamara vati vari kutambira mashoko aturwa neAmnesty International vachiti hapana chavari kuona chiri kuitwa nehurumende kutsvaga munin’ina wavo.

Hurukuro naVaPatson Dzamara
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG